Zvamakati igore rezvidzidzo, dzidzaika!

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHISINGAPERI chinoshura. Vakashaura, vashaurazve kuti kana iri Zimbabwe, chikanganwai. Vakatsoropodza vatsoropdza zvakare kuti kana ari mutungamiri wacho President Mugabe chikanganwai nezvake.

Chinhu chinonzi nguva ngachitendwe nokuti nguva ndeyaMwari. Unopihwa makore okurarama akawanda, wozopihwawo mikana yokutungamira uchiona nokuita chipangamazano.

Vachivhoterwa zvakare muna 2013, vamwe vakati madarirei? Asi kana zviri zvako ndezvako. Kana wakatsidzirwa kuti chigaro ichi unotochigara chete, unochigara masikati machena, madhongi achikuma. President Mugabe vakaita mutungamiriri wesangano reSadc neAfrican Union panguva imwe chete.

Husachigaro hweAfrican Union nhasi uno hwave kuvasvitsa kumusangano weG20, musangano wenyika dzakapfuma nokubudirira pasi rino. Musangano uyu wakaitirwa kunyika yeTurkey musi weSvondo neMuvhuro svondo radarika.

Vamwe vakati zvauya sei kuti Zimbabwe ine vanhu vanogarochema kuti havana chokubata vaende kumusangano weG20? Wokubvunza hapasisina nokuti VaMugabe vacho vakatodzoka kubva kuTurkey, vave kutoita zvimwe vachigadzirira kushanya kuchaitwa nomutungamiri weChina, President Xi Jinping mwedzi unouya.

Vari kuTurkey vaimirira Africa yose, vachivewo zvakare mutauriri weAfrica. Asi mureza wakange wakadzikwa pakange paine mireza yenyika dzeG20, waive mureza weZimbabwe.

Kana pavakange vagere President Mugabe pakange pasina kunzi African Union, asi pakange paine chikwangwari chakanzi ZIMBABWE.

Ndokusaka zvichinzi veshure vachave vemberi. Ruzhinji harwusi kuzviona izvozvo, uyewo harwusi kuziva kuti zvinorevei. Ko dzidzaika, zvamakati gore rino muchadzidza zvakawanda. Iri kuvandudzika Zimbabwe kunyange vamwe vachifunga kuti hazvigoni.

Otizira kupi zvino magandanga aye?

Nyaya yemagandanga akafanana neIslamic State in Iraq and Syria (ISIS), Boko Haram, Al Qaeda, Al Shabaab navamwe yave kusvika kwakanyangara zvino.

Kana ukanzwa rave zinzwa wanzwa kuti mabasa avo ohuipi anenge ave kuda kukonzera World War III, wobva waziva kuti pane zvakahwanda zvausingazivi zvave kuita kuti zvinzi kana kuguma kwepasi kwave pedyo. Upenyu hwakakosha, uyewo hune muridzi waho, Mwari. Ko izvi zvokuti vanhu vanouraiwa kunge huku zviri kubva kupi? Kana iyo huku ine ropa dete, mumwe musi munopedzisira mabikira vaenzi sadza nomuriwo, idzo huku dzakazara mudanga wani?

Magandanga aya ari kubhebha seaini yemarasha vachiuraya vanhu nokushaisa vanhu mufaro. Idzidziso rudzii yokuti munhu anofadzwa nokuuraya munhu nokuti anoti pachitendero chake kana akaita izvozvo anoenda kudenga? Idenga rokupi iroro rinozara mhondi dzakafanana naidzodzi, mhondi dzinoramba kutaura zvigumbu nezvinangwa asi vachisusukidza ruvengo?

Zvikwata zvandataura izvi zvapedza vanhu. Panze pevanhu vavauraya kuWest Africa, Libya, Yemen neSyria, iye zvino vave kunge vavhimi vanoenda kunovhima mhuka.

Kwavafunga kuti kune muvengi wavo vanosvika vouraya nenzira inopedza mate mumukanwa. Havazezi, zvokuti pamwe kuramba vachingotaurwa-taurwa zvave kutovapa mbiri yechitsiga. Varwi vavo vave kwese kwese. KuSomalia, Nigeria neKenya vaita zvinorova!

Musi wa31 Gumiguru vakadonhedza ndege yenyika yeRussia yaive nezvizvarwa zveRussia zvinosvika 224. Vose vakaparara muSinai Peninsula munyika yeEgypt, ndege yakananga kudzokera kuRussia. ISIS vakataura kuti ndivo vazviita, asi nyika yeRussia haina kuda kumhanya kubvuma zvose izvi nokuti vaida kuti kuitwe ongororo yakakwana, kuitira mangwana kuti akadonhedza ndege ndiani.

Asi musi weChipiri musangano weG20 uchangopera, Russia yakazivisa kuti ndege yakadonhedzwa nebhambu raiva mundege. Wadenha Mangwiro uchazviona. Ihondoka iyi?

Zvanzi nemutungamiri weRussia VaVladmir Putin, zvokujaidza makudo neanokamhina, pasi nazvo.

Vakazviita tichatsvagana kusvika tazivana toona zvokuita. Haisi nyaya ichangonyararwa, asi kuti vachataura mushe.

Kwakabuda makobvu namatete, asi magandanga vave kutoziva kuti mabasa avo ohuipi ave kusvika kwamvura yacheka makumbo.

Musi wa13 Mbudzi ndipo pavakaratidza kuti kugarobhomba kwamuri kuita hapana zvamuri kuita nokuti tiri pose pose. Pasina kanguva vakapinda munzvimbo nhanhatu muguta reParis, kuFrance vakasiya vaita zvavaida. Zvakarovesa hana ndezvokuti vamwe vakaenda kunhandare yebhora kwaitamba France neGermany. Mutungamiri weFrance VaFrancois Hollande vakange varimowo munhandare pakatanga kuputika mabhambu kunze kwenhandare.

Vamwe vakaenda kwaive nekonzati vakanorakasha vanhu – kuuraya zvisina kana tsitsi. Zviitiko chakatora upenyu hwevanhu 129, vamwe vanhu vanopfuura 350 vakakuvara, vamwe vavo zvakaipisisa.

Iwo magandanga sekaitiro kavo, vanongozvidhuutsa namabhambu.

Ndokusaka mashoko ehondo azara pamiromo yavatungamiri venyika dzokuEurope, kusanganisira mutungamiri weRussia.

Vatungamiri veFrance vakabhejawo zvakare kuti, yave hondo iyi: “We are at war. We have been hit by an act of war, organized methodically by a terrorist, jihadist army. Because we are at war we will take exceptional measures. We will act and we will hit them. We will hit this enemy to destroy them, obviously in France and Europe . . . but also in Syria and Iraq. We will win,” vakadaro Prime Minister veFrance VaManuel Valls.

Zvakatangwa naanaGeorge W. Bush naTony Blair nhasi zvave kuisa vanhu parumananzombe. Kana Africa yakavabatsira World War I neWorld War II, kwazvave kuenda, Africa inoramba sei, kunyanya vamwe vanonzi ndiwo magandanga acho vari vana vane vabereki vakabva muAfrica, vachienda kunogara kuEurope?

Share This:

Sponsored Links