Zvandinoita izvi pane chakanaka?

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga

MUBVUNZO:

MHINDURO:Sekuru, ndiri mukomana ane makore 19 okuberekwa. Ndine dambudziko rekuita chimhandaramawoko. I don’t know why zvichiitika apa ndiri munamati izvo zvichidayi. Ndinotonamatawo kereke dzemweya. Ndoita sei ndaane makore maviri ndichirarama seizvi.

Muzukuru, kusanganisira vamwewo vazukuru vane dambudziko rakaita seiri, ini ndinoti hazvina kumira zvakanaka muupenyu hwemunhu anoita chimhandaramawoko nekuti kazjinji vane matambudziko akadai ndivo vaya vanozotadza kumisa misha yavo kuri kushandiswa nemweya yezvikwambo kana kuti yezvitsinha. Mweya uyu unokupa hurombe. Kuti uziwe kuti mweya uyu uri pauri, nguva zhinji unorota uchiite bonde kana kurota uchishinha nezvipuka zvakaita sembwa, nyoka kana kuti nevamwe varume.  Izvi ndizvo zvinoita kuti ushaye hanya nemunhukadzi. Nekune rimwe divi kana uri munhu ane upfumi, hunenge huchiparara panguva iyi.

Vanhu vane dambudziko serako muzukuru munofanirwa kukasika kutsvaga rubatsiro kumachiremba vane magwaro ekushanda kuti mubatsirwe.

 

. Bunza Kwayedza panhare dzinoti: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Share This:

Sponsored Links