Zvandiri yorwisa HIV mune vechidiki

20 May, 2021 - 14:05 0 Views
Zvandiri yorwisa HIV mune vechidiki

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga

SANGANO reNational Aids Council roshanda pamwe nereZvandiri mukupa tariro kune vechidiki vanorarama nehutachiona hweHIV.

“Hapana chatingati ndechedu chinoitwa tisipo” ichi chirevo chinobva kune vechidiki vekuMarondera vachitsanangura kukosha kwekupinzwa muzvirongwa zviri maringe nekurwisa HIV.

Kushanda nevechidiki mukurwisa HIV kwakakosha zvikuru uye Zimbabwe iri kuratidza kuva nekuderera kwakasimba munyaya dzehutachiona uhwu mudunhu reSouthern Africa kubva pachikamu che27 percent muna1997 kuenda pa12 percent – gwaro reGlobal AIDS Monitoring Report rinodaro.
VaSabastian Manjengwa, avo vanova District AIDS Coordinator kuMarondera, vanoti dunhu ravo rine nyaya dzakawanda dzechirwere ichi izvo zvakaona sangano reNAC richiita zvirongwa zvakawanda zvakanangana nevechidiki mukurwisa HIV.

Mune chimwe chirongwa, NAC yakashanda pamwe neZvandiri chinova chirongwa chine donzvo rekusandura hupenyu hwevechidiki kuburikidza nekuvafundisa nyaya dzeutano, kugara vakafara nekuvapa taririro.

Chirongwa ichi chakatanga makore 18 adarika chiine vechidiki vatanhatu vairarama nehutachiona hweHIV avo vakanga vasingade mishonga bedzi asi neruzivo.
Kuburikidza nesangano reZvandiri, vechidiki vakavawo nekiriniki yavo pamwe nekuwaniswa ruzivo padandemutande reindaneti vachishanda neHurumende.

Vaiwaniswa zvekare ruzivo kubva kuvatsigiri nevamwe vavo avo vaivafundisa maringe nenyaya dzekutora mishonga yemaARVs nekuzvibata.

Chirongwa cheZvandiri chakatangira muZimbabwe asi parizvino chava kufambiswa munyika dzinosvika sere uye nhengo dzemunharaunda dzakatsaukana dzinosvika 1 600 dzakadzidziswa pasi pechirongwa cheCommunity Adolescent Treatment Supporters ( CATS).
Chinangwa cheZvandiri ndechekuti sangano iri ringe rave kushanda munyika dzinosvika 20 mugore ra2030 richiwanisa utano uye tariro kune vechidiki vanodarika 1 miriyoni vanorarama nehutachiona hweHIV.
“Kuburikidza nekushanda neZvandiri, vechidiki vakawanda vava kutora mishonga yavo uye tinoda kuti huwandu uhwu hurambe huchiwedzera,” vanodaro VaManjengwa.

Kune vechidiki vakawana hutachiona uhwu panguva yekubarwa, kubatwa chibharo kana kutapurirwa nevadikanwi vavo nokudaro vanoda dzidziso yakasimba kuti vachengetedze utano hwavo.

“Munguva yeLockdown, taipa rutsigiro rweutano uye kuvanyorera matsamba ekuti vakwanise kufamba kuenda kuzvipatara. Taivatumidzira zvekare mashoko panharembozha seyeuchidzo yekuti vange vachinotora mishonga yavo saka vashoma kwavo vaikundikana kutora mishonga yavo. KuMarondera, taiva nechinangwa chekusvika kune vechidiki 1 500 uye pari zvino takabatsira vana nevechidki vanosvika 1 141,” vanodaro VaMusekiwa.

Sharon Mutanga (risiri zita rake) anova mutsigiri akazvipira kuZvandiri anokurudzira vabereki kuti vatsvake nzira dzekududzira vana vavo mamiriro avanenge vakaita maringe neHIV.

“Se(CATS) tinokurudzira munhu wese kuti avhenekwe hutachiona hweHIV uye kuti vabereki nevachengeti vevana vange vachivaudza pavanenge vamire. Ndakazvarwa ndine hutachiona hweHIV asi ndakakwanisa kuramba ndichitora mishonga yangu kuitira kuti ndisabatwe nezvirwere zvese zvinouya,” anodaro Mutanga.

Nyika iri kufadzwa nebudiriro maringe nedonzvo rekurwisa uye kupedza AIDS mugore ra2030 zvichifambirana nezviri mugwaro reUNAIDS kuti vanhu vanosvika 28 miriyoni vatsva vange vachidzivirirwa pamwe nekudzivirira ndufu 21 miriyoni dzinodyidzana neHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey