‘Zvatinakira isu vanhukadzi’

15 Apr, 2021 - 13:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

“MAKARE-KARE nyika isati yawana kuzvitonga kuzere, hakuna madzimai nevanasikana vaiwaniswa kodzero yekuva neminda kana misha iri mumazita avo. Kana zvitupa chaizvo zvairema kuti madzimai ange achizvitora vakazvimiririra nekuti zvaitoda kuti pave nemurume pamberi.”

Aya mashoko aMai Depinah Nkomo avo vanova mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust (ZIWFAT).
Vanoenderera mberi: “Asi mushure mekuwana kuzvitonga kuzere mugore ra1980, zvinhu zvakawanda zvakangosanduka uye zvizhinji zvacho zvakanakira madzimai. Nhasi tava neminda iri mumazita edu uye zvipfuyo zveduwo kunova kusimudzirwa chaiko.”

Sangano iri rinorwira kodzero dzeminda uye dzekurima dzevanhukadzi.

“Kusimudzirwa kwemadzimai kuti vave nekodzero dzeminda kunoita kuti vasambunyikidzwe nekuti vanenge vava kuzviwanira mari yavo vachiendesa vana kuchikoro vakasununguka,” vanodaro Mai Nkomo.

Vanotenda Hurumende kuburikidza nechirongwa chekugoverwa kweminda icho chakaona madzimai akawanda achiwaniswa minda iri mumazita avo.
“Tinoramba tichikurudzira kuti madzimai iwayo akawaniswa minda asazotinyadzise nokudaro anofanira kushanda nesimba kuti minda iyoyo ive nepundutso muupenyu hwavo. Gore rino tiri kuona madzimai akawanda akarima chibage, fodya, donje nemiriwo. Vamwe vari kuchengeta zvipfuyo zvakadai senguruve nemombe, pakati pezvimwe, vachibatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika,” vanodaro.

Mai Nkomo vanoti kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume munyaya dzekurima kwakakosha.

“Tinokurudzira madzimai nevanasikana kuti varimewo zvirimwa zvidiki semapfunde, nezviyo zvinotivirira muzuva kuitira kuti vakwanise kukunda, zvikuru apo mvura inogona kuita shoma zvichikonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.

Vanokurudzira madzimai kuti varambe vachisimukira mumabasa avo nedonzvo rekuti vazove varimi vakuru (commercial farmers) kuti vakwanise kupinza mamwe madzimai mabasa.

“Takawaniswa dzidziso yezvekurima nekutengesa nesangano reZim Trade mugore ra2013 uye nhengo dzedu dzose dziri kuita zvirongwa zvemikando kuti tikwanise kuchengetedza mari yekutenga midziyo mikuru.”

Mai Nkomo vakahwinha mibairo mitatu yakatevedzana munyaya dzekurima apo vakaita 2nd runner-up mumakwikwi eWomen in Agriculture mugore ra2013 uye 2014 apo vakahwapura mubairo we2nd runner-up Business Woman of the Year kuchizoti gore rimwe chete iri zvakare apo vakaita 1st runner-up in Agriculture Category mumakwikwi aitsigirwa neWECA.

Share This:

Sponsored Links