‘Zvava kuda kushanda pamwe’

21 May, 2021 - 17:05 0 Views
‘Zvava kuda kushanda pamwe’ VaMashingaidze (pakati) vachigashidza rubatsiro rwakapihwa nekambani yavo kuParirenyatwa Group of Hospitals

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI yeUnilever Zimbabwe svondo rapera yakapa midziyo nezvimwe zvekushandisa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuchipatara cheParirenyatwa Groups of Hospitals, muguta reHarare.

Zvinhu zvakapihwa kuchipatara ichi zvinosanganisira mishonga yekutsvindisa maoko (hand sanitizers), sipo dzemhando yeLifebuoy idzo dzinouraya hutachiona, mabhokisi 20 eDomestos nemichina yepamusoro yeBi-level Positive Airway pressure machines (BiPAP) inoshandiswa pakufemesa.
Vachitaura pachiitiko ichi, VaTendayi Mashingaidze vanova managing director weUnilever Zimbabwe, vanoti kurwisa chirwere cheCOVID-19 kunoda mushandirapamwe.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kukanganisa raramo yeveruzhinji pamwe nekufamba zvakanaka kwemabhizimisi nokudaro nzira kwayo yekuchirwisa kubatanidza zvekushandisa kuti titsigire zvipatara nevanhu vari munharaunda. Isu sekambani inogadzira midziyo inobatsira mukutsigirwa kweutsanana, taona zvakakodzera kuti tibatsire zvipatara tichengetedze upenyu hwevarapi nevarwere kana vamwe vanhu vanoshanya,” vanodaro.
Zvipatara, vanodaro VaMashingaidze, inzvimbo dzinosvikwa nevanhu vakawanda nokudaro hutsanana hunodiwa.

“Chipatara cheParirenyatwa Groups of Hospitals chine mupanda uyo vanhu vanoenda kunovhenekwa nekubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere ichi nekudaro mupanda uyoyo unoda kutsigirwa nezvose zvinodiwa kuti vanhu vagare vakashambidzika. Mimwe mishonga yakadai seDomestos inoshandiswa mukushambidzika kwezvimbuzi sezvo ichiuraya majemisi uye mabhakitiriya. Sipo yedu yeLifebouy inourayawo mabhakitiriya nechikamu che99.9 percent,” vanodaro.

VaMashingaidze vanoti munguva yadarika, vakapa rutsigiro rwemichina yekufemesa (ventilators) kuvarwere veCovid-19 vari kuzvipatara zviri kumatunhu gumi enyika.

“Munguva pfupi yadarika, takabatsira nemidziyo yekudzivirira chirwere cheCovid-19 (Personal Protective Equipement kana kuti PPEs) uye maventilators kuzvipatara zviri mumatunhu gumi enyika segadziriro yekunyuka kwechikamu chetatu cheCovid-19 (third wave). Zvakangokosha kuti tigare takagadzirira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey