Uncategorized

‘Zvava nyore kuwana mashoko’

30 Jul, 2021 - 17:07 0 Views
‘Zvava nyore kuwana mashoko’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vakaparura chirongwa chiri maringe nezvemutemo mutsva weFreedom of Information Act unova uchayamura veruzhinji kuti vawaniswe ruzivo rwavangada kumapoka eHurumende nemamwe akazvimiririra pachena uyewo vatori venhau vachikwanisa kuita mabasa avo pasina kumbunyikidzwa.
Vachitaura pachirongwa ichi, icho chakaitirwa pamasaisai nesangano reTag A life svondo rapera, Sen Mutsvangwa vanoti veruzhinji vakasununguka kuwaniswa ruzivo rwungava rwezveutano, zvikuru sepanguva ino yechirwere cheCovid-19, pakati pezvimwe.

“Mutemo weFreedom of Information Act wakadzikwa nemusi wa11 Chikunguru 2020 nechinangwa chekuona kuti vanhu vose munyika vakwanisa kushandisa kodzero dzekuwaniswa mashoko pasina kutya. Mutemo uyu wakatsiva waimbovako kare weAccess to Information and Protection of Privacy Act (AIPPA) unova wakadzikwa muna2002.

“Ndinovimba kuti panyaya yechirwere cheCovid-19 nezvimwe, vanhu vazhinji vari kuwaniswa ruzivo kuburikidza nemapepanhau, materevhizheni, redhiyo kana kuenda pamasaisai ebazi rezveutano kusanganisira Zim Covid-19 App. Kureva kuti vanhu vava nesarudzo yekwavangada kuwana mashoko uye nemitauro yavanoda,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoti kushaiswa kwemashoko kana kuti ruzivo kutyorwa kwekodzero dzevanhu uye kunogona kukonzera ndufu, nyonganyonga pamwe nekuderedza budiriro yenyika.

Mukuru wesangano reTag A Life, Nyaradzo Mashayamombe, anoti chikamu cheSection 62 chebumbiro remutemo weZimbabwe chinotarisa nezvekodzero yekuwaniswa mashoko pasina rusarura kuvagari vemunyika muno.

“Tinoda kuti madzimai nevasikana, vekumaruwa kunyanya, vange vachizivawo nezvekodzero dzavo uye kuti vasununguke kutaura nevatori venhau panyaya dzose dzinovanetsa kana kuti dzine chekuita nebudiriro yavo. Kune nyaya dzeutano, kurima, mabhindauko ekusona, kurwisa nyaya dzekumbuyikidzwa nezvimwe zvinofanira kuburitswa pachena pasina kutya.
“Tinotenda zvikuru vatori venhau nekufushunura dzimwe nyaya dzinenge dzakahwanda dziri maringe nehuwori kana chibharo zvinoita kuti vapari vemhosva vagumisire varangwa nemutemo,” anodaro.

Mashayamombe anoti bumbiro remutemo rinopa kodzero yekuti vanhu vange vachishandisa mitauro gumi nemitanhatu iri munyika zvinova zvinosunungura vakawanda.

“Kuburikidza nemutemo mutsva uyu, vatori venhau vanokwanisa kukumbira mashoko nekunyora magwaro kumasangano avanoda ruzivo rwacho uye mhinduro vanofanira kuiwaniswa mukati memazuva 21. Asi, kana ruzivo urwu rwuchidiwa nechimbichimbi, zvikuru kana iri nyaya yekuchengetedza upenyu, rwunofanira kuwaniswa mukati memaawa 48,” anodaro Mashayamombe.

Zvichifambirana nemutemo uyu, kana vatori venhau vachinge vakundikana kuwaniswa mashoko nenguva yakatarwa, vanokwanisa kunyorera kuZimbabwe Media Commission (ZMC) uye kana zvichinge zvaramba vokwidza nyaya yacho kudare guru reHigh Court.

Zvichakadai, vatori venhau vari kutambira nemaoko maviri mutemo mutsva weFreedom of Information Act uyu vachiti vachaushandisa nemazvo uye unovasunungura zvikuru pakuwana mashoko kana zvichienzaniswa neweAIPPA apo vamwe vavo vaisungwa munguva yekuita mabasa avo sezvo wainge uine zviga zvakati wandei panyaya dzekuchengetedzwa kwemashoko.

Share This:

Sponsored Links