Zvekuita negomarara

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Zvekuita negomarara

Kwayedza

KANA munhu aine gomarara zvinogona kunge zvichigozha kuti ange achigamuchira zvaanenge achinzwa mumuviri wake. Gomarara rinogona kuita kuti unzwe zvimwe zvausati wambonzwa mumuviri wako.

Izvi zvinogona kunge zvichishanduka paawa yoga- yoga kana mineti yoga-yoga. Zvakadai hazvifanire kukuvhundutsa nekuti zvinowanikwa kana uine gomarara. Zvawakakura uchinzwa zvichitaurwa zvinokanganisa mafungiro ako maringe nekuti ungaite sei negomarara.

Semuenzaniso:

– Vamwe vanonzwa kuti vanofanira kunge vakasimba kuitira kuti vange vachidzivirira shamwari nemhuri dzavo

–  Kutsvaga rubatsiro kushamwari nevamwe vakamborarama negomarara

– Kutsvaga rubatsiro kubva kunanachipangamazano nevamwe vanamazvikokota

– Kuve nekutenda kuti zvichanaka

Zvose zvaunenge waita, zvakakosha kuita zvaunoona kuti zvakakunakira uye usazvifananidze nevamwe. Kana uchiona wakasununguka, kurukura nevamwe pamusoro pedambudziko rako.

Kana zvakukurira

Apo unoziva kuti une gomarara, unonzwa kunge hupenyu hwako husingachaendeke.

Izvi zvinokonzerwa ne- zvinotevera:

–  Unofunga kuti uchararama here

–  Mararamiro ako emazuva ose anokanganisika apo unenge uchishanyira chiremba uchinorapwa

– Unonzwa sekuti unoita zvinhu zvausingafarire

–  Unonzwa seusingabatsiri chinhu nekusurikirwa.

Kunyangwe uchinzwa semunhu apererwa, pane nzira dzaunogona kushandisa kuitira kuti unge uchidzikamisa pfungwa dzako.

Edza nepaunogona kuti uzive zvakawanda pamusoro pegomarara. Bvunza chiremba mibvunzo uye usatye kubvunza pausinganzwisise. Unogona kuita zvakasiyana zvakadai sekuverenga mabhuku, kuruka zvakasiyana kana kudzidza zvimwe zvitsva.

Kuzviramba

Paunotanga kubatwa kuti une gomarara, unogona kutadza kuzvigamuchira. Uku kunonzi kuzviramba. Izvi zvinogona kukubatsira sezvo zvichikupa mukana wekuti unge uchidzikama. Zvinokupa zvakare nguva yekuti unge uine tariro yakanaka mune ramangwana.

Nhau yakanaka ndeyekuti vanhu vakawanda vanosvika pakudarika nguva yekuzviramba iyi. Kazhinji panguva iyo munhu anenge orapwa, vazhinji vanogamuchira kuti vane gomarara voenderera mberi nehupenyu hwavo.

Kushatirwa

Vanhu vane gomarara dzimwe nguva vanonzwa hasha. Izvi zvinowanikwa uye kazhinji munhu anenge achizvibvunza achiti “Sei zvakaitika kwandiri?” Achishatirirwa gomarara iri.

Kushatirwa kazhinji kunouya nekuda kwezvaunenge uchinzwa mumuviri, kutya pamwe nekushaya tariro nehupenyu. Dzimwe nguva kushatirwa kwakanaka nekuti kunogona kuita kuti uone zvekuita negomarara iri.

Kurukura nevemhuri yako pamwe neshamwari nekuda kwekunzwa kwako hasha kana kuti taura nachiremba wako.

Kutya nekushungurudzika

Zvinotyisa kunzwa kuti une gomarara. Unogona kushungurudzika pamusoro pezvinotevera:

–  Kunzwa marwadzo, kubva kugomarara kana mukurapwa.

–  Kunzwa kurwara kana kusiyana kwemanzwiro emuviri nekuda kwekurapwa

– Kuchengeta mhuri yako

–  Kubhadhara zvaunosungirwa kunge uchibhadhara

– Kuchengetedza basa rako

–  Kutya kuti unogona kufa

Zvimwe zvinotyiwa pamusoro pegomarara zvinoenderana nenyaya dzaunenge wakambonzwa zvisiri zvechokwadi.

Vanhu vakawanda vanozonzwa zvakanaka mushure mekunge vave neruzivo chairwo apo vanenge vasisatye.

Tariro

Apo vanhu vanenge vagamuchira kuti vane gomarara, vanotanga kuve netariro yehupenyu. Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vave netariro.

Kune mamiriyoni evanhu vakabatwa negomarara avo vachiri kurarama nhasi uno. Vanhu vane gomarara vanokwanisa kurarama zvakanaka, kunyangwe panguva yavanenge vachirapwa. Vamwe vanachiremba vanofunga kuti tariro yakanaka inoita kuti muviri wako unge uchikwanisa kurwisana negomarara.

Zvimwe zvaunokwanisa kuita kuti uve netariro:

–  Ronga mazuva ako se- zvawagara uchiita

–  Usazvidzivise zvimwe zvinhu zvaunokwanisa kuita nekuda kwekuti une gomarara

– Tarisa zvikonzero zvinoita kuti uve netariro, zvinobatsira zvakare kuzvinyora pasi.

– Nzvera pamusoro pezvaunotenda.

– Teerera nyaya dzevamwe vane gomarara vari kurarama semazuva ose

Kushushikana Panguva yekurapwa nemushure mekurapwa, zvinowanikwa kuti munhu ange ashushikana nekuda kweshanduko inenge ichiitika mumuviri wake.

Unogona kuona zvinotevera:

– Hana yako inorova nekuchimbidza

–  Kutemwa nemusoro kana kurwadziwa nemhasuru

–  Kunzwa kusada kudya kana kudya zvakanyanya

–  Kurwadziwa nemudumbu kana kuita manyoka

Kana ukanzwa zviri pamusoro apa, kurukura nachiremba wako.

Share This:

Sponsored Links