Zvekumhanya zvakabva kuna tezvara: Muzhingi

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Zvekumhanya zvakabva kuna tezvara: Muzhingi Stephen Muzhingi

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yemujaho wemarathon, Stephen Muzhingi, anoti akatanga zvekumhanya mushure mekunge aona tezvara vake, baba vakabereka mudzimai wake, vachimhanya uye nehupenyu hwavairarama uho hwainge hwakanaka zvikuru.

Muzhingi — uyo akazvarwa mugore ra1980 kwaGutu — anoti tezvara vake, Esau Magwaza, vaive shasha yemumujaho wemarathon vachikwikwidza nekuhwinha mijaho yakasiyana uye vachirarama hupenyu hunoyemurika izvo zvakamukwezva mwoyo.

Tezvara vake ndivo vakave murairidzi wake wekutanga avo vaida chaizvo kumuona achibudirira mumutambo uyu.

Asi, vakazoshaika Muzhingi achangotanga zvekukwikwidza mumarathon.

“Ndaigaroona tezvara vangu yaive shasha panyaya dzemarathon uye vaive nemukurumbira zvekuti ini ndivo vandaitarisira kwavari nevamwe vanosanganisira anaAbel Chimukoko.

“Ndaingonzwa kuti ukaita zvekumhanya unogona kurarama hupenyu hwakanaka uye ndakazvionera ndega nekuti ndichitarisa Magwaza uye nanaChimukoko vairarama hupenyu hwakanaka,  vachifamba nemota kuburikidza nemarathon. Saka ini ndikati ndizvo ndinoda kuitawo.

“Handina kuzotarira shure, asi tezvara vangu vakazoshaika havo vasina kuzonyatsoona kubudirira kwangu kwandakazoita,” anodaro Muzhingi.

Muzhingi akakwikwidza mijaho yakasiyana muno nekunze kwenyika, asi zita rake rakazonyatsoita mukurumbira apo akahwina mujaho weComrades Marathon katatu kakatevedzana kuSouth Africa.

Haana kugumira ipapo sezvo akaenderera mberi ndokunohwina mimwe mijaho inosanganisira Two Oceans Marathon iyo yaakahwina kaviri kuSouth Africa zvekare.

Panguva yaaipisa chaizvo, shasha iyi yakabuda yega pachena rimwe gore kuti kune zvizvarwa zvekuSouth Africa zvakauya kwaari zvikamuti arambe nyika yake azviti chizvarwa cheSouth African kuitira kuti nyika iyi ipembedzwe izvo akaramba sezvo aida kusimudza mureza weZimbabwe.

Pakumhanya kwese kwaakaita muno nekunze kwenyika, Muzhingi anoti mijaho yeComrades Marathon uye neTwo Oceans Marathon icharamba iri mundangariro dzake pamwechete newekutanga waakaenda kunokwikwidza kuNew York, kuAmerica.

“Mijaho mitatu iyi ichagara iri mundangariro dzangu kusvika muguva nekuti ndakadadisa ndikasimudza mureza wenyika yangu, zvinhu zvinofadza chose,” anodaro.

Kuhwina kwaakaita mijaho yakasiyana muno uye nekunze, Muzhingi anoti akashandisa mari yake yaaihwina zvine musoro izvo zvakamuona achitenga dzimba nhatu – mbiri dziri muHarare uye neimwechete iri kuChitungwiza.

Anoti vanhu vanofanirwa kurongera remangwana ravo vachishandisa mari yavanenge vawana vachiita zvisvinu pane kunakidzwa nekudya mari vasingagadzire remangwana revana vavo.

“Gadzirai remangwana renyu uye nerevana, ini mari yese yandaihwina ndaitenga dzimba iye zvino ndine dzimba nhatu. Ndakange ndisingade kuti mune remangwana rangu vana vozobvunza kuti baba zvamaive nemukurumbira chii chamakaita, tisisina pekugara, izvo ndakaramba,” anodaro.

Muzhingi anoti gore ra2019 harina kumufambira zvakanaka sezvo akatadza kukwikwidza kumijaho yakasiyana apo ainge akakuvara.

Asi iye zvino anoti ari kushanda nesimba kuti gore rino agokwikwidza kumijaho mikuru inosanganisira yeOld Mutual munaKukadzi kozoti Comrades Marathon neTwo Oceans Marathon.

Shasha iyi yakakomborerwa nevanakomana vatatu uye mukuru wacho — Methane (10) — ari kutevera matsimba ababa vake achiita zvemujaho wekumhanya kozoti mumwe wacho ari kuita zvemutambo wekarate.

Share This:

Sponsored Links