Zvekuziva mungano

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
PARI zvino mave kuziva kuti ngano dzinodzidzwa kuchidzidzo cheUvaranomwe paShona yeA-Level muchikamu chekutanga.

Zvakakosha izvi nekuti zvinokupai mukana wekuverenga mabhuku amunoda kuzopindura pabvunzo.

Iko zvino bhuku rengano raiveko rinonzi Ngano Dzamatambidzanwa rakapera kubvunzwa gore rino Mbudzi 2018.

Tamirira kuziviswa bhuku richange rine ngano dzichaitwa gore rinouya. Iri ibasa rinoitwa neZIMSEC.

Zvisinei nekuti hatisati taziva bhuku rengano dzichadzidzwa nekunyorwa Mbudzi 2019, tati tifanobata zvimwe zvinhu zvinokosha zvikuru pakudzidza nekudzidzisa ngano.

Tichatarisa zvinhu zvakawanda chaizvo zviri pamusoro pengano zvinoti; basa rasarungano, kuziva chinonzi ngano, zvidzidzo zvinowanikwa mungano, basa rengano, vatambi vanowanikwa mungano, mamwe madingindira engano uye mamiriro engano nezvimwewo.

Ruzivo rwese urwu rwunokubatsirai kuti muzokwanisa kuongorora ngano zvizere.

Chii chinonzi ngano?

Ngano mutambo wepasichigare waitambwa nasarungano nevateereri munguva dzemanheru kunyanya mumwaka weChirimo.

Vakuru vakare vaitendera kuti zvaiera kuita ngano munguva dzeZhizha sezvo minda yaizoroporwa navaropo.

Izvi zvaireva kuti minda yaizodyiwa nemhuka dzakaita semakudo, tsoko, makunguwo kana zvimwewo zvikara zvesango zvinoparadza zvirimwa zvinosanganisira mhashu, tsunu nezvimwe zvipembenene.

Chokwadi chaicho ndechekuti kuita ngano munguva dzeZhizha zvaizoita kuti vanhu vaparadze nguva yekuzorora sezvo vaiwandirwa nemabasa. Izvi zvinotsigirwa zvakare nepfungwa yekuti vakuru vedu vairarama nekurima, saka vaiswera vachiita mabasa akasiyana muminda.

Ndizvo zvaiita kuti vazode kukasika kuzorodza miviri munguva dzemanheru.

Nokuda kwaizvozvo, kuita ngano munguva dzehusiku kwaizokanganisa vanhu kuita mabasa avo muzuva raizotevera sezvo vaizoshaya nguva yakakwana yekuzorora.

Sezvo vaShona vaitendera zvakanyanya mutsika dzavo, uye muchitendero chavo, kushandisa zvierwa yaive nzira yekugadzirisa matambudziko munharaunda.

Hapana mwana aizopikisana nepfungwa dzaitaurwa navakuru kana achinge aziviswa kuti zvaaida kuita zvaiera sezvo kupikisa vakuru kwaiburitsa unhu hwakafumuka.

Zvinhu zvakakosha zvinoda kuzivikanwa mungano:

Ziva bhuku rengano

Mabasa engano

Basa rasarungano

Basa revateereri

Madingindira

Tsika nemagariro

Unhu nemabasa anomiririrwa nemhuka

Maonerwo evanhukadzi/vanhurume/vana/vanhu vanoshoreka/vanhu vanorarama nehurema.

Kutandadza kwengano

Mashiripiti anobuda mungano

Maumbirwo engano

Zvidzidzo zvinobuda mungano

Musiyano wenganonyorwa nenganotaurwa

Musoro wengano

Kupfupisa ngano yoga yoga

Share This:

Sponsored Links