Zverudo nekuroorana

17 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

GRADE 7

Ticha danga
ZVINODA kuti timboswatanudza pfungwa tichimbotaura zvakanangana nerudo. Zvatava mugwaro rechinomwe hazvirevi kuti takura kuita nyaya dzezverudo, asi kuti chete tayaruka zvekufanirwa kuva neruzivo pamusoro pezvimwe zvezvinhu zvakatikomberedza.

Kuyaruka kubva muhupwere kune matanho akunotora dzamara tapinda munyaya dzekudanana, ndiko kusaka tichiona zvakakodzera kuti tigare tarovera masoro kuti paya panenge poroorwa kana kuroora madzikoma edu, tinenge tichinzwisisa zvinenge zvichiitika sevanhu vabva zera.

Mukomana anotanga nekutuma gwevedzi kumusikana waanenge afarira kuti rimusvitsire shoko. Gwevedzi kazhinji anenge ari munhu anozivikanwa nevaviri kuti asazopererwa nemashoko ekutsvetsva.

Kana abvuma, musikana anopa mukomana chinonzi chindakuda icho chinova chinhu chakaita sechipfeko kana kuti chishongo chaachagara nacho.

Paya panotanga vaviri kufambidzana mushure mekunge gwevedzi apedza pake, vanozosvika pokuti rudo rwadzama kana zvinhu zvichifamba zvakanaka. Ipapo ndipo panotanga pfungwa dzekuti vanhu vazoona zvakakodzera kugarisana munguva inotevera. Kuratidza musikana wake kuti anomudisisa, mukomana anopa musikana nduma.

Kana rudo rwaramba rwuchipisa semoto, vaviri vanopanana zvitsidzo pamberi pamadzitete. Zvitsidzo hazviitwe nemuromo chete asi kuti musikana anobvisa mbatya yaanopa mukomana wake iyewo mukomana achipawo yakewo kumusikana vatete vachitsigira namashoko. Mbatya idzodzo zvitsidzo zvekuti hapana achadzokera kumashure murudo. Anezenge aita zvisina kururama anenge atotyora chitsidzo. Vaviri vanosvika pakuwirirana kuzoroorana nekudaro mukomana anotsvaga munyai uyo achamumirira. Munyai anodaidzwa kuti dombo kana kuti samutume. Kana zuva racho rasvika, samutume ndiye anotanga kupinda mumusha aine hama dzemukomana.

Mari inotanga kubvisiswa mukwasha inonzi yevhuramuromo kana kuti makandinzwanani. Kunobviswa mari yekubvumidzwa kuvhura hombodo yemari iya inonzi sunungurahomwe. Kune dzimwe nzvimbo vakuwasha vanobvisiswa mari yendiro umo muchaiswa mari yekuroora.

Mushure mekunge homwe yasunungurwa, kuroora chaiko kunobva kwatanga. Mari dzinochitanga kudeedzerwa sekuda kwavakarahwa nekudaro mari dzatichataura pano hadzisi kuzotevedzera muronga.

Pane mari inodaidzirwa navatezvara vachida kuripwa kutambiswa kwaimboitwa ndebvu dzavo nemwanasikana wavo achagara pamakumbo ari mudiki inonzi matekeyandebvu. Amaiwo vanotaurirwawo nhunha dzavo paya panobviswa mari inonzi mapfukudzadumbu apo vanenge vachiti mwanasikana wavo aimbopota achipfura namakumbo ari mudumbu raamai.

Panobviswa zvakare mari inonzi yehotamiro iyo inonzi kuripa amai avo vaimbokotama kucheka zviyo nemupunga mwana ari kumusana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>