ZVICHANGOITIKA . . . Zex Manatsa ashaya

20 Jan, 2022 - 15:01 0 Views
ZVICHANGOITIKA . . . Zex Manatsa ashaya

Kwayedza

Abel Ndooka

ZEX Manatsa, murume wekuita mukurumbira nekuimba, ashaya.

Ange ave nemakore 78 okuberekwa.

Manatsa ange atambudzwa nedenda regomarara uye gore radarika akabuda pachena nezvekutambudzwa kwaaiitwa nechirwere ichi.

Mhuri yaManatsa yazivisa nezverufu rwake padandemutande reFacebook.

“Tine kusuwa kukuru tichikuzivisai nezverufu rwababa vedu, gamba redu, mufundisi uye Sekuru Zexie Manatsa, vashaya mushure mekushungurudzwa negomarara. Mweya wavo ngauzorore murugare,” inodaro mhuri yekwaManatsa paFacebook.

Manatsa akaita mukurumbira nenziyo dzakawanda dzinosanganisira Chipo Chiroorwa, Tamirireiko, Tamirira Dynamos, iHighlanders Ihwinile, Makepekepe Shaisa Mufaro neTea Hobvu.

Muchato waManatsa nemudzimai wavo, Stella, musi wa25 Nyamavhuvhu, 1979 wakanetsa vakawanda apo vanhu vaivepo vakazadza nhandare yeRufaro.

Manatsa nditezvara vaSelmor Mtukudzi uyo akaroorwa naTendai, mwanakomana waZex.

Zvakawanda zviri kutevera.

Share This:

Sponsored Links