Zvidawo nemadzinza acho

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

ICHOKWADI kuti kwatakabva mitunhu chaiyo. Kuti zvino titevedzere mwanza watakafamba nawo zvotoda tichiziva zvakakwana nerudzi rwedu. Zvino kuziva mbuya huudzwaknha nekudaro tikaziva zvidawo zvedu namadzinza acho tinogona kupa hochekoche yemwanza watakafamba nawo kusvika pari zvino.
Chikamu chapfuura ndakabata mitupo yakanga ine mipatsa mikuru yakafanana nanaShava, Moyo neShumba. Zvino tinorusimudzira tichitarisa mimwe mitupo yakasara.

Vaera dziva vanowanikwa vachipinda mumipatsa inokwana mitatu kana kudarika. Kune vaera dziva vane chidawo chekuti Mapira. Vana Mapira ava ndeve dzinza reSave. Vanopatsanurana nedziva yechidawo cheMunhobvu wamambo. Ndivo vedzinza raNyika. Havagumiri ipapa vana dziva nekuti kune vamwewo vanozviti ndeve dzinza raSave asi chidawo chiri cheMuzivikanwi.

Tinowana vamwe vane mitupo isina mipatsa mizhinji sevaera mhara. Ava vane chidawo chimwe chete cheChikonamombe asi kuti vamwe ndeve dzinza reveRomo vamwewo vari veMashayamombe.

Musiyano unozongouya kuti pazvidawo veMashayamombe vanozowedzera pana Chikonamombe vachiti Mbuya zvodaidzwa kunzi Mbuya Chikonamombe.

Vaera mbeva vanewo mipatsa miviri chete kubudikidza nemadzinza uye zvidawo zvavo. Vamwe vaera mbeva ndeve chidawo cheMhizha vari vedzinza reChigumbura kozoti vamwe vacho iNengomashi vari vedzinza reVabari.

Vana Gumbo havana mupatsa. Vanongova ivo vega nechidawo chavo cheMadyirapanze Sambiri ivo vari vedzinza raGutu. Vana Humba zvakare vangori vega vaine chidawo cheHonde Nyakupfuya. Dzinza ravo iMakombe.

Mumwe mutupo unozvimirira uri wega ndewevaera mbizi kana Dhuve. Ava ndevedzinza raChirumanzi vachidaidzwa nechidawo cheMupahami.

Kune vaera ngoma avo vanodada nedzinza ravo raMupezeni ivo vari vechidawo cheYangoma.
Ava vanhu vashoma uye havana kutekeshera nenyika. Ndizvo zvimwe chetezvo nevaera manzi. Vaera manzi ndivo vechidawo cheChivaviri vari vedzinza raBepura.

Vaera ngoma nevaera ngonya zvakatosiyana pakuti vaera ngonya ndivo vechidawo cheGushungo vari vedzidza raZvimba. Vakazvimirira vari vega sevaera Nhari vari vechidawo cheUnendoro. Ava ndevedzinza raNyandoro.

Kune vamwewo vane chidawo cheMwendamberi asi vasingaeri shava vachiera nondo vari vedzinza raChirau. Vana Soko vane mipatsa yavo miviri inozivikanwa. Kunana Soko Murehwa vachidada nechidawo cheMurehwa.

Ndivo vana Soko vedzinza reVashawasha. Ndivo vanopatsanurana nana Soko (Shoko) vechidawo cheKumene dzinza ravo riri Mudzimurema.

Kunana Tembo vechidawo cheMazvimbakupa asi dzinza ravo riri raChihota. Tinana Tembo zvakare vari veSamaita. Tembo iyi ndeye dzinza raMutasa. Haigumiri ipapo tembo iyoyo. Kunoita imwe Tembo yeWakapiwa. Ndivo vana Tembo vedzinza raBenhura.

Kunewo vaera gwai vedzinza raGora. Chidawo chavo ndecheMuparadzwa. Kunewo mumwe mutupo wakati vanzikei. Mutupo uyu une vanhu vedzinza raSerima asi vaine chidawo cheMukumbiri. Vana Mukumbiri ava vanoera tsiwo.

Share This:

Sponsored Links