Uncategorized

Zvidhoma zvovaita ‘party’

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Zvidhoma zvovaita ‘party’ Musha unonzi washungurudzwa nezvidhoma

Kwayedza

Kingstone Mapupu

IMWE mhuri yekwaMurehwa inoti yaoneswa ndondo nezvidhoma, mapere, katsi nenyoka izvo zvavanoti zvinoita “party” pamba pavo zvichizara chivanze chose zvekuti vanhu ava vanotombopata musha vachitiza.

VaMaxwell Caleb Kadenge (45), vemubhuku raKadenge, kwaMambo Mangwende, vanoti mhuri yavo haina rugare nekuda kwemaminimini aya.

Vanoti zvidhoma zvechikadzi zvinouya pamusha pavo zvakatungamirirwa nechechirume chinogara chakapfeka sutu netayi “icho chine ndebvu chena dzakareba kusvika paguvhu”.

Kana zvacho zvakakwidza, chidhoma ichi chinonzi chinoonekwa chichiita chamupidigori pamusha apa.

Guva rinonzi rinotambira zvidhoma — Mifananidzo naTariro Kamangira

“Vanasikana vangu vakatotiza pano pamusha nekuitwa vakadzi nezvidhoma. Kana mudzimai handisisina, akatizawo.

“Pano panouya mazikatsi anozara chivanze zvose nezvidhoma. Zvinouya zvakawanda pamwe pacho zvichiimba zvakatungamirirwa nechihombe chinopfeka masutu. Dzimwe nguva zvinopinda mumba nekukwira pamusoro pemba zvichiseka nekuimba izvo zvinotiita kuti titizire kumamana.

“Zvinonyanya kufarira kutambira paguva raamai vangu vainzi Mbuya Jesca Fusire Kadenge riri kuseri kwemusha wedu apo zvinonogara,” vanodaro.

Vanoti vanofuma vachiona chivanze chemusha wavo chose chakatsikwa-tsikwa nematsimba emapere ayo anosiya adhotera tsvina yawo.

VaMaxwell Caleb Kadenge vanoti vanonzwawo kuchema kwenyoka yerovambira pamusha pavo kana huri husiku vachizoona muhwezvwa wayo kana kunze kwayedza.

“Pano ndangosara nemwana wangu mukomana nababa vangu, vamwe vose vakatiza. Hatirare, mumba munofamba vanhu vatisingaone asi vachitaura,” vanodaro.

Murume uyu anoti vanhu vemumhuri yavo vanofa vachinzi vanopera ropa, izvo zvaanoti zvinokonzereswa nezvidhoma zvinovayamwa.

Maxwell Kadenge

“Takazvarwa tiri vana 8, izvozvi 5 vakafa vachinzi vaingopera ropa rinonzi rinoyamwiwa nenyoka nezvidhoma izvi. Tinongoudzwa kuti pano pane mudende watozara neropa ratinoyamwiwa nerevamwe vakafa ava,” vanodaro VaMaxwell Caleb Kadenge.

Mbuya Kadenge – avo paguva ravo ndipo panonzi panotambirwa nezvidhoma, nyoka nemapere – vanonzi vakangodonha vakafa mushure mekunge vaona zinyoka raiva rakavashamira pamusha apa.

“Handizive kana zvinhu izvi zvichidyidzana, asi ndinozviona zvichifamba zvose – chidhoma chesutu chiri pamberi, katsi dzakawanda pakati, mapere nezinyoka kumashure.

Lazarus Kadenge

“Kana ukada kuzvitiza, unopera simba, hapana kwaunoenda nekuti unobva wapunzikira pasi kudzimara zvaenda asi zvasiya zvatifunhidza,” vanodaro.

Murume uyu anoti dzimwe nguva anotoona mapere achibuda mumba make maanogara nemwanakomana wake.

“Ndaishanda basa rakanaka zvikuru muHurumende, asi basa rakapera uyewo mari yakapera. Ndapedza kutengesa zvinhu zvangu ndichiedza kugadzirisa dambudziko iri. Baba vangu VaLazarus Kadenge (90) varipo asi hapana rubatsiro rwavanokwanisa kundipa.”

VaMaxwell Caleb Kadenge vanoti imba yavo huru ine mipanda mishanu yava nzanga yezvidhoma.

“Dzimwe nguva unotoona zvichirwa, hamheno kuti zvinenge zvatadza kugovana nyama yevanhu here nekuti muno munofiwa. Hanzi zvinhi izvi zvinozodyira nyama yevanhu pano,” vanodaro.

Rodney Kadenge

Vanotizve mamwe mazuva pachivanze chavo panofuma pakacherwa makomba paine matsimba emapere ivo votozofushira.

“Hanzi zvidhoma izvi zvinoda ropa remunhu rinoiswa muhari inonzi inogara neimwe hama yepadyo yedu. Zviri kunzi pane hama yedu yakanotora mushonga wekutsvaga mari zvino mushonga wacho wave kupanduka, unoda kunodzoserwa nepfuma yakawanda.”

VaMaxwell Caleb Kadenge vanoti mamwe maporofita akambouya pamusha pavo achida kuvabatsira vakabvapo vakabereka tsoka vachitiza mushure mekurohwa nezvinhu izvi.

“Maporofita matatu vakambouya pano vakanosangana nechidhoma chihombe chemasutu nendebvu refu icho chakatanga kupidiguka chichienda kwavari zvimwe zvichiswederawo apo maporofita aya akaita bararamhanya kutiza vachisiya magemenzi avo,” vanodaro.

Mwanakomana wavo, Rodney Kadenge (24) anotsinhira nyaya iyi achiti, “Dzimwe nguva tinorohwa zvekutadza kumuka nezvinhu zvatisingaone.”

VaLazarus Kadenge (90) — avo vonova Sabhuku Kadenge — vanoti nyaya yezvidhoma vanoinzwa ichitaurwa nemwakomana wavo asi ivo hapana zvavanoziva.

“Kubva 1954 ndinopinda chechi yeSeventh Day Adventist saka handiite zvemishonga. Asi ndikarwara ndinogona hangu kungotemerwa nyora. Vadzimai vangu vakafa 2011,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links