Zvidzidzo zvesoftball zvoitwa

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Zvidzidzo zvesoftball zvoitwa Stonard Mapfumo

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Softball Association rakapihwa chiremerera chekuitisa zvidzidzo zvekuvandudza ruzivo rwevarairidzi, varidzi vepembe pamwe nevanochetedza zvibodzwa zvemutambo uyu neWorld Baseball Softball Confederation (WBSC).Zvidzidzo izvi zvichange zviri zveLevel One International izvo zvichavabatsira kuti vagokwanisa kuenda kunorairidza nekunoridza pembe kune dzimwe nyika uye zvichaitwa muna Kukadzi.

Varairidzi vanosvika 50 vemutambo uyu, varidzi vepembe 20 uye vanotora zvibodzwa 20 vari kutarisirwa kuzobatsirikana nezvidzidzo izvi.

Mutungamiriri weZimbabwe Softball Association, Stonard Mapfumo, anoti sangano reWBSC richatumira nhengo ina idzo dzichauya kuzoitisa zvidzidzo izvi.

“Takatambira nemufaro mukuru danho iri, takarongerwa neWorld Baseball Softball Confederation kuti tiwedzere magwaro ebasa epamusoro kune varairidzi vesoftball, varidzi vepembe nevanonyora zvibodzwa vemuno.

“Izvi zvichatibatsira mune ramangwana apo tiri kurwisa chaizvo kuti mutambo uyu ukure uye usvike kure. Kuchauya nhengo ina muno dziri kutumirwa neWBSC kuzoitisa zvidzidzo izvi mwedzi unotevera,” anodaro Mapfumo.

Zvidzidzo izvi zvaifanirwa kunge zvichiitwa kutanga musi wa7 Kukadzi zvichizopera musi wa9 asi zvave kuitwa  musi wa23 Kukadzi zvichizopera musi wa26 sezvo nhengo idzi dzichatanga dzambotenderera kune dzimwe nyika dzichidzidzisako.

Mapfumo anoti zvidzidzo izvi zvauya panguva yakanaka apo sangano ravo riri kuita gadziriro dzechikwata chemadzimai chichanokwikwidza kumutambo weAfrica/Europe Olympic Qualifier uyo uchaitirwa kuPretoria, kuSouth Africa muna Chivabvu.

“Zvabva zvatinakira nekuti tange tiri kugadzirira chikwata chedu icho tinoda kuzotumira kuPretoria muna Chivabvu kunokwikwidza kumutambo wekurwira tikiti rekuenda kuTokyo, kuJapan kumutambo we2020 Olympic Games.

“Saka varairidzi vedu vakadzidziswa vopihwa ruzivo rwepamusoro rwesoftball ndinoona tichisvika kure,” anodaro Mapfumo.

 

Share This:

Sponsored Links