Zvidzidzo zveutano hwesikarudzi

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Zvidzidzo zveutano hwesikarudzi Blessing Chitanda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reForum for African Women Educationalists Zimbabwe Chapter (FAWEZI) — rakabatana nebazi revechidiki, mitambo nekutandara — nemusi weMuvhuro uno vakaita musangano wemazuva maviri nenhengo dzeJunior Council yekuChitungwiza neChaminuka iri kuShamva maringe nedzidziso dzeutano hwesikarudzi pamwe nenzira dzekurwisa nyaya dzekumbunyikidzwa kwevana.

Chirongwa ichi chakaitirwa paQueen Elizabeth Girl High, muHarare, uye chakaona vadzidzi vanodarika zana vachibatsirikana nedzidziso yavakapakurirwa nesangano iri.

Blessing Chitanda, uyo anova murongi kuFAWEZI, anoti chinangwa chavo ndechekupa hunyanzvi kuvana vechikoro kuti vazive nezveutano pamwe nekodzero dzavo.

“Donzvo redu nderekusimudzira dzidzo nekubvisa mhosho dzese dzinokanganisa dzidzo yevanakomana nevanasikana. Apa takasarudza nhengo dzeJunior Council yekuChitungwiza neShamva District kuti tivafundise nezveutano hwesikarudzi. Takaona kuti kana tikatanga nedanho repamusoro rechikwata ichi ndivo vanozoendawo muzvikoro kunofundisa vamwe vavo.

“Kana vana vechikoro vakashaiswa mikana iyi, vanowanikwa vachiwira mumadhaka nenzira dzakaita sekumitiswa, kutapurirwa zvirwere zvepabonde zvakaita seHIV nezvimwe, kusiira chikoro panzira, kubvisa pamuviri nerweseri izvo zvinozokonzera rufu, pakati pezvimwe,” anodaro.

Pachirongwa ichi, vana vechikoro ava vakawaniswa mikana yekutaura nhunha dzavo.

“Isu tinofara nechirongwa ichi nekuti vamwe vabereki vedu havachina nguva nesu sezvo vachiswera kumabasa isu tichiswerawo kuchikoro. Vamwe vedu dzitori nherera nekudaro mikana yekubatwa chibharo yakakura saka kuburikidza nedzidziso iyi, tinowanikwa tava kuziva kuti kana tikambunyikidzwa tinoenda kupi,” anodaro mumwe mudzidzi wekuShamva.

Vamwe ndivo vanoti maticha echidzimai ari kupfeka mbatya pfupi uye dzinobata izvo zvinovakanganisa sevanakomana.

“Tichiri vanakomana vari kuyaruka saka tinotadza kudzidza nekuda kwemapfekero ari kuita mamwe maticha edu echidzimai. Vanenge vachida kuti tidii? Ndiyo sexual harrasment chaiyo,” anodaro mumwe mudzidzi wekuChitungwiza.

Mai Memory Kanyati vanova Administrative Officer kubazi rinoona nezvevechidiki, mitambo nekutandara kuChitungwiza vanoti chirongwa ichi chinopa vechidiki mikana yekuti vakurukure zvinhu zvinovatambudza mukurarama kwavo.

“Kune zvinhu zvakawanda izvo vechidiki vanovanzira vabereki vavo asi padare rino vari kuzvifumura saka zvinotibatsira kuti tione kuti vangabatsirwa sei vasati vawira mumatambudziko. Kana vechidiki vachitaurirana pachavo, vanenge vasina nyadzi.

“Dzimwe dzenyaya dzataurwa pano ndedzekushungurudzwa kwavanoitwa muzvikoro nekudzimba uye nyaya dzezvirwere zvepabonde,” vanodaro.

Vanoti vamwe vana vanosvika pakufa kana kuwora nekuda kwezvirwere zvepabonde izvo zvinenge zvisiri kurapwa nezvikonzero zvekuti vanenge vachinyara kudura kuvabereki vavo kuti vakaita bonde nyambisirwa mari yekurapwa kwavo inobva kuvabereki avo vavanenge vari kuvanzira.

Zvisinei, kurudziro yavo ndeyekuti kudai vechidiki vawanikwe vachimira kupinda munyaya dzepabonde nekuti zvinokanganisa dzidzo neramangwana ravo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>