Zvigure zvakaviga munhu mupenyu

12 May, 2022 - 14:05 0 Views
Zvigure zvakaviga munhu mupenyu Gomba rakafushirwa Tafadzwa Mudahondo ari mupenyu nezvimwe zvigure

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA wemakore 16 okuberekwa wepapurazi reMunandi Farm riri kuBeatrice, kuMashonaland East — uyo aitamba mutambo wegule — anonzi akafushirwa mugomba ari mupenyu nevamwe vake, ndokufa pamutambo wenyaradzo yaambuya vake.

Izvi zvinonzi zvakaitika panyaradzo yaMbuya Esterry Size papurazi reGath kwakare kuBeatrice.

Tafadzwa Mudahondo, uyo akasiira chikoro panzira, anonzi aitamba zvigure nevamwe vake papurazi reGath apo akazoti aida kuchererwa gomba, ofushirwa asi ozomuka zvemapipi achibva muguva iri.

Zvisinei, zvinhu zvakaenda nepamwe. Mushure mekunge afushirwa, Tafadzwa akazoburitswa mugomba angoti rapata kufenda achibva afa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nezvenyaya iyi.

Vanoti mapurisa akatosunga vanhu vaviri vanoti Jealous Kamanga nemumwe anongozivikanwa nekunzi Shadreck nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekukonzeresa rufu rwemukomana uyu.

Assistant Commissioner Paul Nyathi

“Tine mukomana wechidiki Tafadzwa Mudahondo (16) akafushirwa mugomba pamutambo wezvigure panyaradzo yambuya vake kupurazi reGath kuBeatrice achiti aizomuka kubva mugomba umu ari mupenyu. Asi akatadza kumuka akazofukunurwa afenda achibva afa ipapo.

“Inyaya yekuda kutevedza tsika dzezvimwe zvitendero zvinoguma zvaita kuti vanhu varasikirwe nehupenyu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti nemusi wa7 Chivabvu nenguva dza5 zuva rodoka, Tafadzwa pamwechete nemurume waamai vake VaTendai Rodrick (42) uye naamai vake, Makanyara Musasa (35), vakabva kupurazi reMunandi kwavanogara vachienda kuGath kwaiva nenyaradzo yaambuya vavo.

Mutambo wenyaradzo uyu unonzi wakatanga na8 manheru kusvika zuva rakatevera na4 dzemangwanani.

“Vakasvika ndokubatana nevamwe panyaradzo iyi husiku hwese kusvika mangwanani emusi wa8 Chivabvu. Zvikwata zvemutambo wezvigure zvaiva zvabva kune mamwe mapurazi anoti Danluce, Albion, Denoli neZishiri zvaipanana mikana yekutamba panyaradzo apa.

“Tendai Rodrick akazotaurirwa kuti Tafadzwa Mudahondo aiva akapfeka mbatya dzezvigure ari mukati mezvinyahwe zvaivaraidza ruzhinji,” vanodaro.

VaRodrick vanonzi havana kufadzwa nemaitiro emwana uyu ndokutevera kumba kwaiva nezvigure izvi ndokunomutsiura.

Tafadzwa anonzi akazobva mumba maiva nezvimwe zvigure ndokuenda kuruzhinji uko akanokumbira badza achiti aida kuchera gomba rekuti afushirwe achiti aizomuka nenzira yemashiripiti.

Shadreck naKamanga vanonzi vakazochera gomba raiva risina kunyanya kudzika.

“Vapedza kuchera, Tafadzwa Mudahondo akapinda mugomba iri ndokurara nedumbu akatarisa pasi apo akaudza zvimwe zvigure kuti zvimufushire achiti aizomuka nemashiripiti nekuda kwesimba rezvigure. Vamwe vemutambo uyu vekupurazi reZishiri ndivo vakamufushira ari mupenyu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvikwata zvina zvegule zvaiva zvabva kumapurazi mana zvinonzi zvakatanga kutamba zvichipemberera zvichitenderera gomba iri.

“Tendai Rodrick aiva kumoto nevamwe akazonzwa kuti mwana wake ainge afushirwa akamhanya kunoona zvaiitika. Akaudza zvigure zviviri zvaiva zvigere pamusoro pegomba iri kuti vamufukunure nekukasika vava kutyira kuti anogona kufa.

“Zvigure izvi zvaishevedzera kuti zvinoda mari semhiko yekuti Tafadzwa Mudahondo amuke,” vanodaro.

Mukomana uyu akazofukunurwa mushure memaminetsi ari pakati pe35 ne40 asi akanga atofenda achibva atakurwa kuendeswa chinhambwe chemamita 200 apo zvimwe zvigure zvakazama kumufefemutsa asi akabva angofa.

“Vaona kuti mumwe wavo akanga afa, vakabva vatiza, nyaya iyi ndokumhan’arwa kumapurisa ekuBeatrice. Nyanzvi dzedu dzematikitivha ekuChivhu nemamwe mapurisa vakazoenda vakasunga Shadreck naJealous Kamanga uye vari kutsvaga vamwe vari munyaya iyi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mutumbi uyu wakaendeswa kumochari yechipatara cheChitungwiza Central Hospital.

“Tinokurudzira kuti vanhu vasatevedzere dzimwe tsika dzinoguma dzavapinza munataisireva. Tinotiwo vabereki rambidzai vana kupinda mumitambo yamusingazive uyewo nekutorwa kwezvinodhaka mukati. Vatungamiri venzvimbo ngavapote vachirambidza zvinhu zvakadai,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Muhurukuro neKwayedza, VaRodrick vanoti vairambidza mwana uyu kutamba mutambo wegule kusvikira akaramba chikoro ndokuzoupinda muchivande.

VaTendai Rodrick

“Anonzi aimbozviita zvekufushirwa achimuka kumitambo iyo yavaiita kupurazi reMunandi kwatinogara,” vanodaro VaRodrick.

Sekuru vemushakabvu, VaSimon Kembo (45) vanoti vakashamiswa nezvakaitika izvi.

Hanzvadzi dzemufi dzinoti Gaudencia Nyambiya (23) naIrene Kembo (39) vanoti Tafadzwa akaitirwa mhiko nezvimwe zvigure.

Baba vaTafadzwa, VaOtiniel Mudahondo (44) nasekuru vemushakabvu VaArnold Bure (42) vanoti mutumbi wemwana wavo unofanirwa kunovigwa kumusha kwavo kwaSabhuku Muchechetere kwaMukaro kwaGutu, kuMasvingo.

VaOtiniel Mudahondo

“Vanhu vakaungana kumusha kwaGutu vachimirira kuti tiuye nemutumbi, asi dambudziko ravapo nderekuti hatina mari kana yekudya chaiyo neyekutakura chitunha,” vanodaro VaMudahondo.

Mambo Seke, VaStanley Chimanikire, vanoti zvakaitwa izvi zvinoda kuti dunhu ravo richenurwe.

“Chipini chakaitwa mudunhu mangu, tinoda kuzokurukura nemhuri dzose idzi pawanikwe chenura,” vanodaro Mambo Seke.

VaKennedy Kachuluka vanova mukuru wesangano reZimbabwe Gule WaMukulu Organisation vanoshora nyaya yakaitika iyi vachiti hakuna tsika dzenyau dzakadaro.

“Hatina mutemo wakadaro wekuti chigure chinofushirwa chobuda mugomba chiri chipenyu, ngavasungwe vanhu vose ivava,” vanodaro VaKachuruka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey