Zvigure zvotongerwa kufushira munhu ari mupenyu

13 May, 2022 - 16:05 0 Views
Zvigure zvotongerwa kufushira munhu ari mupenyu Dare

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VARUME vaviri vekuBeatrice, avo vanotamba mutambo wegule, vakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Court nemusi weChina chino vachipomerwa mhosva yekukonzeresa rufu rwemukomana wemakore 16 okuberekwa uyo wavakacherera gomba, ndokumufushira ari mupenyu achiti aizomuka zvemapipi achibva achibva muguva umu, asi ndokuzobuda afa.

Tafadzwa Mudahondo, uyo aitambawo zvigure uye achigara papurazi reMunandi Farm kwakare kuBeatrice, ndiye ari kunzi akafushirwa mugomba ari mupenyu nevamwe vake, ndokubva azofukunurwa afa.

Muchuchisi Nomsa Kangara vaudzwa dare kuti nemusi weSvondo wadarika, mushakabvu aive nevamwe vake vanotamba zvigure panyaradzo yaambuya vake paGath Farm kuBeatrice apo vaive vakokwa.

Tafadzwa anonzi akaudza Philip Chimhimvu naJealous Kamanga kuti vachere gomba iro aida kuzopindamo, vomufushira achiti aizomuka.

Vasungwa vaviri ava vanonzi vakachera gomba iri ndokufushira Tafadzwa.

Izvi zvinonzi zvaiitwa senzira yekuti zvigure izvi zviwane mari yaizokandwa nevanhu vaive panyaradzo iyi.

“Mushakabvu anonzi akapinda mugomba iri ndokurara mukati maro akatarisa pasi. Vasungwa vaviri ava vanonzi vakazadza gomba iri nevhu apo vamwe vavo vairidza ngoma pamwe chete nekutamba.

“Mushure mekuona kuti mushakabvu aive apedza maminitsi anosvika 45 asati abuda kubva mugomba iri, vasunga ava vakatanga kufukunura ivhu ravaive vamufushirisa asi iye akange atofa kare,” vanodaro VaKangara.

Mutongi Sheunesu Matova vakapa Chimhimvu naKamanga bhera re$5 000 pamumwe wavo uye havana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi.

Vaviri ava vachadzoka kudare zvakare nemusi wa30 Chivabvu apo kutongwa kwenyaya yavo kuri kuenderera mberi.

Share This:

Sponsored Links