Kwayedza
HOVE inonzi chigwaya yakaomeswa ine dovi kudya kwechivanhu uye kunochengetedza utano nekurwisana nezvirwere.
Svondo rino, Rufaro Muzavazi Mudereri wekuBindura anotsanangura mabikirwo ehusavi uhu.
Zvinodiwa:
Poto, chipunu, zvigwaya zvakaomeswa, dovi, matomatisi, hanyanisi, munyu nemvura.
Mabikiro:
Suka matomatisi, hanyanisi nekucheka kuita zvidimbu zvidiki.
Tora hove wonyika mumvura inodziya.
Rasa mvura yacho wocheka hove muzvidimbu zvakanaka.
Gadza poto pamoto woisa hove nemvura shoma, hanyanisi nematomatisi.
Kwidibira zvombokwata kwemaminitsi makumi maviri.
Isa dovi zvipunu zviviri wokurunga uchipamhidzira mvura zvishoma nezvishoma
Chiisa munyu mushoma woraidza kuti zvaringana here wobura.
Munogona kudya nesadza rezviyo, rechibage, remhunga kana remapfunde.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281