Zviito zvevatambi

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza
SARUDZA vatambi vashanu vari muna Kereke Inofa ugoratidza zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvausingafarire. Tsigira mhinduro zvizere. [25]Handifarire kuba mari dzekereke kunoitwa naPastor Mwenje muna Kereke Inofa. Tinozviona pavanenge vari kuUK naSarah ndokubvisa mayusa gumi rezviuru muhomwe yekereke. Mari iyi yaifanira kunopiwa vanhu vaitambudzika asi vanoipa Sarah aive nhengo yekereke yavo wavaidanana naye, kuti atumire murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Muna Kereke Inofa handifarire zvinoitwa naBeauty zvekudanana nevarume vevanhu achiri kuenda kuchikoro. Izvi zvinojekeswa paanenge achidzidza kuUZ asi achidanana naDance Manyukunyuku achinyatsoziva kuti akanga aine mudzimai wake sezvo aive audzwa.

Handifarire zvinoitwa naSusan zvekudanana naDance chikomba chemwana wemukoma wake, Sarah. Tinozviona paanotora nhamba dzefoni dzaDance ndokutanga kudanana naye muchivande asi achiziva kuti aidananazve naBeauty mwana wemukoma wake. Chakamupa kudaro ndechekuti akanga achiva mari zhinji yaiva naDance zvinoita kuti azotapurirwawo chirwere cheshuramatongo.

Muna Kereke Inofa ndinovenga zvinoitwa naCharles zvekupedza nguva refu achiita zvefesibhuku achitadza kuverenga mabhuku ekuchikoro. Tinozviona paanenge achiita zvefesibhuku pafoni yake nekutamba mavhidhiyo gemhu asingazviwanise nguva yekuverenga mabhuku ekuchikoro. Izvi ndizvo zvinoita kuti azopedzisira ave kudofora muchikoro sekududzwa kwazvo naJudith.

Ndinovenga zvinoitwa nachiremba Ayub Kanu zvekusaita basa ravo nemazvo. Izvi tinozviona pavanonyorera Pastor Mwenje matsamba ekuti vakwanise kudzokera naSarah kuZimbabwe vachiti airwara nemweya yetsvina asi pakanga pari pamuviri pavaitsindidza kuti Mary asazvione. Apa vaitevedzera utsotsi hwese hwavakanga vaudzwa naPastor Mwenje kuti ndiho hwavaifanira kuzoita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey