Zvikamu zvenguva zviri muzuva

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

NEMHAKA yekuti tanga takabata nyaya dzanga dzichienderana nenguva muzvikamu zviviri zvapfuura, zvakangonaka kuti tibva tangobata bandiko renyaya dzenguva dzezuva apo tinoda kutarisa zvikamu zvenguva dzezuva kubva richibuda kunopinda muna amai varo dzamara timukezve.

Zvakangokosha zvakare kuti tizive zvikamu zvezuva izvi kuti tigobvisa madandemutande anenge ari mumusoro pamusoro penguva kunyanya patinonyora rondedzero dzedu. Ndinotaura zvemadandemutande maererano nenguva nekuti tinoona vana vachirasika panyaya dzenguva munyaya dzerondedzero.

Kuti nhaurwa yedu igova nemutsindo negwara rakarongeka, regai titangire panguva dzatinomuka tichida kugadzirira kuenda kuchikoro kana kunoita mamwe mabasa. Paya patinomuka nguva idzodzo tinodziti mangwanani kubvira panguva dzenhanhatu (6 am).

Tinosesedzana nawo mangwanani kusvika panguva dzegumi (10 am). Ndiyo inonzi nguva yemadziyamushana kana kuti rudziyakamwe kunyanya panotangira zuva kuti kwirei kusvika panguva dzegumi. Magwaro etsvagurudzo (research) anoti mangwanani anotangira paya kunze kunenge kuchangobva mukuedza kubva panobuda nyenyedzi yehweva kusvika koda kupisa.

Mangwanani iwaya ane zvidimbu zvakati wandei zvatichaona mukufamba nechirongwa.

Kubva panguva dzegumi dzinotekaira nguva nemuronga wadzo kusvika panguva dzegumi nembiri (12 noon). Ndipo panonzi parurovanhongonya. Masikati anobva atanga ipapo kunosvika munguva dzeina (4 pm) dzatinoti rudeukira kana kuti madeukazuva.

Mumasikati kusvika murudeukira hamhuna zvikamu zvezuva zvakawanda asi kuti chitsikotsoko chezvikamu zvezuva chinozouya panguva dzemanheru apo panotangira rukunzvikunzvi. Rukunzvikunzvi inguva iya apo zuva rinenge roda kuvira kunze kuchitsvukuruka.

Tichibva munguva idzi kunobva kwauya nguva dzerufuramhembwe idzo dzinobata panguva dzenhanhatu (6 pm).

Kunze kunenge kwati svibei vafudzi vemombe vachangobva kunopfigira zvipfuyo mumatanga. Zvinonzi ndiyo nguva inofura mhembwe.

Tichibva murufuramhembwe tinobva tapinda zvakare muruvhunzavaeni apo tinenge tobata nguva dzenomwe (7 pm). Ruvhunzavaeni ndirwo rukunguvira apo kunenge kuchangosviba kwava kutoti tsva-a. Zvinonzi zita rorubvunzavaeni rakauya mushure mekuonekwa kuti vanhu vaishanyira hama dzavo vaigona kusvibirwa vasati vasvika sezvo vaifamba netsoka nekudaro vaizonzwika vachigogodza mudzimba dzevanhu vachibvunza nzira kana kutsvaga pokurara.

Kubvira panguva dziya dzerubvunzavaeni hwatova husiku apo vanhu vonosvika pakurara uye hapana zvimwe zvikamu zvenguva zvinobuda apa dzamara tabata nguva dzegumi nembiri (12) panova pakati pehusiku.

Kungobva pakati pohusiku rungwananingwanani rwatotanga apo vanhu vanenge vachakati roro nehope kudzamara mashambanzou anouya nguva dzena (4 am) kuchitevera runyanhiriri.

Kana runyanhiriri rwaperawo rufuramhembwe rwepiri rwunobva rwatevera kunobata nguva dziya dzenhanhatu paya patatangira.

Share This:

Sponsored Links