Zvikamu zviri murondedzero

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
PATASVIKA tava kuziva zvinodiwa nemhando dzerondedzero, asi zvakakosha kuti tiite dzokorodzo pamusoro pemamiriro akaita rondedzero.

Rondedzero chinyorwa chine zvinhu zvitatu zvinofanirwa kuzadziswa. Rondedzero ine nhanganyaya kuchiuya mutumbi yozopedziswa nemhedziso. Zvihu zvitatu izvozvi ndizvo zvakabata rondedzero.

Vanasorojena vanoti nyora yekutanga ndiyo yakadzamisisa. Ndizvo zvakafanana nenhanganyaya nekuti zvinobva mairi ndizvo zvinodudza zvichawanikwa mumutumbi werondedzero. Nekudaro vana vanofanirwa kuziva kuti nhanganyaya inofanirwa kubva yatora mwoyo wemuverengi kana mukwenyi webasa. Zvinoreva kuti nhanganyaya ndiwo musimboti werondedzero nekudaro tinofanirwa kuinyora nekuironga zvine ungwaru.

Nhanganyaya inogona kutangwa netsumo zvichienderana nemusoro wenyaya. Tingatora muenzaniso wekuti musoro wenyaya unenge wakanangana nemhindupindu dzakaitika muupenyu hwemunhu zvichizomunakira. Anogna kutanga nekuti, “Chaikanya chakanga chototsa hamawee.”

Kutanga netsumo kunoratidza ugo hwemunhu uye kunoita kuti rondedzero idzame. Mumwewo anogona kutanga nekungoti, “Chokwadi rina manyanga hariputirwe mumushunje” wobva watoziva kuti zvichauya zvakanangana nekuzonyadziswa kwakaitwa mumwe munhu. Vazhinji vanofarira kutanga rondedzero namadimikira sekuti, “Zvaida kuzvionera pamunho sefodya,” kana kuti, “Kwakaenda imbwa ndiko kwakaenda tsuro.” Izvi zvinobva zvapa mukwenyi webasa chidakadaka chekuda kunzwa kuti chii chakazoitika iko kwakaenda imbwa netsuro.

Madimikira anoratidza utesve hwemunyori zvekuti haazombopotsi goho rakanaka chero zvodini. Humwe hutsanzi hunobuda pakutanga nhanganyaya nemamiriro ekunze sekuti, “Kunze kwakafuma kwakati dhuma namakore” kana kuti, “Zuva rakanga rakati jenen’ene kusina kana nakakore zvako.”

Donzvo redu nderekuzvuva mukwenyi kuti tibatane naye nendima kusvika pakugoverana goho. Mamiriro ekunze kazhinji anoratidza maperero akazoita zuva riri kutaurwa nezvaro. Kamhepo kanofefetera kachibva maodzanyemba kanoita kuti zuva ripere zvakanaka kunyanya kana pari pamabiko.

Nhanganyaya inogona kupinza nyaudzosinwi idzo dzinoratidza maitikiro akaita zvinhu. Zvinokwezva muverengi wenyaya kunzwa kuti, “Akachinzi shwee chematsenganzungu ndiye kupu mumadota nemaji.” Zvinototaura zvega kuti pakange pasina kumira zvakanaka. Nyaudzosingwi dzakanakira kuti dzinobva dzaburitsa maitikiro ezvinhu.

Mutumbi werondedzero ndiwo unozoburitsa zvese zvakaitika zvichienderana nemusoro wenyaya. Ndimo munoburitswa ndemo dzose uye kurungwa kwemutauro kwese kunowanikwa mumutumbi. Ndimo zvakare munozadziswa tekenyedzo inenge yaitwa munhanganyaya. Zvikamu zvemutumbi zvinogona kusvika zvitatu kana zvina.

Vharamusangano yerondedzero imhedziso iyo inokokorodza zvose zvakakosha zvataurwa mundima mumazwi mashoma. Mhedziso inopendera chinyorwa kusvika pekuti muverengi anogutsikana kuti zvine hochekoche kubva kunhanganyaya kusvika kumagumo.

Share This:

Sponsored Links