Zvikanganwa hama zvinonaka

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Zvikanganwa hama zvinonaka Zvikanganwahama

Kwayedza

NYAMA yezvikanganwahama inonaka zvikuru sezvo zvisina mafuta akanyanya.
Svondo rino VaSimson Lukasi vekuBindura vanotipa mamwe mabikirwo ezvikanganwahama.

Zvinodiwa:
Chikari kana poto, zvikanganwahama, munyu, mafuta, hanyanisi, mhiripiri nematomatisi

Mabikiro:
Cheka zvikanganwahama uvhure mukati uchibvisa tsvina yose.
Zvigeze zvinyatsochena wozviisa muchikari kana mupoto.
Isa chidimbu chekomichi yemvura nemunyu wakaringana.
Zvikwatise kwemaminitsi makumi maviri.Kana mvura yapera, isa twumafuta twushoma uchikanga.
Chekerera hanyanisi nematomatisi woramba uchikanga kusvika zvaibva.
Unogona kuzoisawo mhiripiri kana uchiifarira.

Wozodii?
Kana zvaibva, chigadzirira kuzviruma rurimi nekunakirwa.
Zvikanganwahama unogona kuzvichachura zvakadaro, kudya nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links