Uncategorized

Zvikanzi ‘mwedzi mutete’ . . .

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Zvikanzi ‘mwedzi mutete’ . . . Sekuru Bhaureni

Kwayedza

Kingstone Mapupu
PANE chirevo chinogara chichitaurwa nevanhu mukurarama apo unonzwa vachiti, “Mwedzi mutete . . . ndosaka ari kuita zvaari kuita.”

Kureva kuti pane zvinhu zvisina kunyatsomira zvakanaka zvinenge zvichiitwa nemunhu.
Mashoko iwaya — “mwedzi mutete” — anenge achitotaura zvakadzama asi nenzira yakahwanda.
Svondo rino Kwayedza inoita hurukuro nenyanzvi dzechivanhu pamusoro pe “mwedzi mutete” avo vanopa mafungiro avo pamusoro pezvinonzi zvinoitika kana mwedzi uchangogara kana kuti uru mutete.

VaProsper Dohwai (39) kana kuti Sekuru Mhofu avo vanogara kuRujeko C, kuMasvingo, vanoti ukanzwa munhu vachinzi mwedzi mutete zvinoreva kuti anenge aine kakupenga kana kuti kakupengereka zvekuti anenge asina kugadzikana mupfungwa.

“Panotanga mwedzi uchiri mutsva, apo tinoti mutete, unounza zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira matenda sedzihwa nekumwe kurwara. Kune vamwe vanoita sekunge vanorasika pfungwa zvishoma panguva iyi, vamwe vachiita semazungairwa kana mhengeramumba,” vanodaro.

Panguva iyoyi vanoti kunosimuka mhepo dzakaipa dzakawanda apo vamwe vanoonekwa vachitaura voga vachitorasa mawoko nekungopopotera vanhu pasina mhosva kana kutadzirwa.

“Vana vacheche panguva iyi vanoshandisirwa mishonga yechivanhu kuti vasabatwe nematenda – zvinobva pakurereka kunenge kwakaita mwedzi. Ikoko ndiko kunounza kusagadzikana kwepfungwa dzevamwe vanhu uyewo nekuunza zvirwere, pfungwa dzavo dzinenge dzakarerekawo,” vanodaro.

Sekuru Mhofu vanoti kunyangwe vaye vanonzi vanonetswa nengozi, panguva iyi mwedzi uri mutete ndipo panobhebha mweya yengozi yacho.

“Paye panezenge mwedzi wasimba kana wave kunofa patinoti kucharima, munoona matambudziko aya opera, munhu ave kudzikama. Munoona kuti kune vanhu vanorasika pfungwa kutanga kwemwedzi koga-koga kureva kuti inguva inofamba mhepo dzakaipa, “ vanodaro.

VaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni vekwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti, “Sekuno kuMt Darwin, tine vanhu vanokanganisika pfungwa kana mwedzi uri mutete. Nguva iyi unonzwa zvakawanda mukusagadzikana kwepfungwa, unotoona vamwe vachinhonga masaga nemarara asi panosimba mwedzi, zvinobva zvaperawo.
“Munhu wose ane kakupenga kari maari ako vazhinji kanooneka kana mwedzi uri mutete.”

Kuchiti Gogo Letwin “Mamoyo” Manguwo (28) vekuUnit M, kuChitungwiza, vanoti panovamba mwedzi poga-poga, kana uchiri mutete pane zvirwere zvinorapirwa nemishonga yechivanhu kuti pfungwa dzidzikame.

“Semhuri, vanhu vose vanokurudzirwa kupota vachishandisa mishonga yekudzikamisa pfungwa nekuti vanonzvera vanoti vanhu tose tinopenga asi kungoti nepakasiyana. Saka nguva iyi ndipo pazvinoonekwa kana mwedzi uri mutete, iyi inguva inofamba mweya yakaipa.

“Paye panosimba mwedzi zvinobva zvapera. Saka muchinzwa kuti kune vamwe vakatopihwa mazita emadunhurirwa ekuti ‘vanaMwedzi Mutete,’” vanodaro.

Votaurawo maonero avo, Madzibaba Bond Bornservia Gumira (30) vechechi yeJohane Masowe yeJerusarema iri kuChitungwiza, vanoti igaroziva kuti kana mwedzi uri mutete, pane matambudziko ekusagadzikana kwevanhu mupfungwa anoitika.

“Pfungwa dzevanhu dzinoita sedzinorasika panguva iyi, hazvina mhosva kuti papi chaipo uye hurwere hunowandawo,” vanodaro.

Kuchiti VaIgnicius Murambidzi, avo vanova coordinator wesangano rinomirira varwere vepfungwa reZimbabwe National Association of Mental Health (ZIMNAMH), vanotsinhira kuti kana mwedzi uri mutete pane matambudziko anoitika kune vanhu vagara vari varwere vepfungwa.

“Zvagara zvakadaro kuti kana mwedzi uchangotanga, paya uchiri mutete, panoitika shanduko sezvinongoitawo tichitanga mumwe mwaka. Handiti munoona panoita pfumvudza semaruva emiti yemiJacaranda, vanhu vakafema mweya wacho vamwe vanoguma vave kurwara nemaziso, kubuda mututu nezvimwe? Saka kana mwedzi uri mutete zvinodarowo kune vagara vaine dambudziko repfungwa izvo zvinosanduka nekufamba kwenguva.

“Asi, handi izvozvo chete sezvo paine zvirwere zvakasiyana zvinobatira kuvanhu panguva iyi,” vanodaro VaMurambidzi.

Share This:

Sponsored Links