Uncategorized

Zvikomba zviviri: Mimba 1

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Zvikomba  zviviri: Mimba 1 DENENE MILLNER

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKOMANA wekuMhondoro-Ngezi akapotera kudare ramambo weko mushure mekunge atizirwa nemusikana uyo anoti ane pamuviri pake zvisinei nekuti ari kudura pachena kuti aipinda pabonde neshamwari yemuchinda uyu yepamwoyo panguva iyo aisasanawo naye.

Munyori wedare raMambo Ngezi, VaGodfrey Pasipamire, vanoti nyaya iyi yakapinda mudare ravo nguva pfupi yadarika.

Vanoti Prince Manokore (20) akamhan’arira Nyashadzaishe Kavhunika (17) kudare ramambo mushure mekunge amutizira achiti ane pamuviri pake, zvisinei nekuti akashereketawo naLoveson Musemwa (21) anove shamwari yemukomana uyu.

Vanoti Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, vakapa mutongo wekuti musikana uyu atange abara, ozonoongororwa pamwe chete nemwana wake nevakomana vaviri ava (DNA tests) kuti pagozivikanwa muridzi wemwana.

“Nyaya iyi yakatyisa vazhinji nekuti musikana wechidiki uyu ari kubvuma pajekerere kuti aisangana nevakomana vaviri vanoti Prince Manokore naLoveson Musemwa panguva imwe chete. Anoudza dare kuti aingonzwa kuda vakomana ava vose, saka mambo vakamuti ambomirira kuti asununguke kuitira kuti agoenda nevakomana vaviri ava kunovhenekwa kuti paonekwe baba vemwana,” vanodaro.

Vanoti Prince ishamwari yaLoveson uye ndiye akatanga kudanana nemusikana uyu.

VaPasipamire vanoti Prince aituma Loveson kana pane zvaaida kumusikana uyu zvikaita kuti abva atora mukana wekudananawo naye.

Izvi zvinonzi zvaiitika zuva nezuva kusvika musikana uyu azobata pamuviri.

Vanoti Prince akazonzwa nerunyevekupe kuti musikana waanodanana naye ari kushinha naLoveson zvikaita kuti aruke zano rekuvahwandira ndokuzozvionera oga apo akavabatikidza.

“Musikana uyu akambenge atizira kuna Prince asi pakatongwa nyaya iyi, zvakaonekwa zvakakodzera kuti ambodzokera kuvabereki vake sezvo pachine ongororo dzinofanira kuitwa maringe nemurudzi wenhumbu,” vanodaro VaGodfrey Pasipamire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey