ZVIKORO 43 ZVAVHARWA

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUKURU wezvedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti Hurumende yakavharisa zvikoro 43 zviri kuChimanimani mushure mekunge zvakaparadzwa nemafashamu emvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai masvondo adarika.

Vanoti Hurumende yakatora danho iri kuitira kuti paitwe ongororo yakadzama maringe nekuparadzwa kwakaitwa zvivakwa zvezvikoro izvi uye vamwe vana vechikoro nematicha havazi kuzivikanwa kwavari.

VaShumba vanoti pazvikoro 43 zvakavharwa izvi, 33 ndezvepuraimari uye 10 ndezvesekondari.

Vanoti zvikoro izvi zvichavhurwa masvondo maviri temu yechipiri isati yatanga kuitira kuti vana vasasaririre mudzidzo yavo.

“Hurumende yakapa mvumo yekuti zvikoro 33 zvepuraimari ne10 zvesekondari zvivharwe nekuda kwenjodzi yeCyclone Idai iyo yakaparadza zvivakwa zvakawanda,” vanodaro VaShumba.

“Sezvo zvikoro izvi zvavharwa nekukasika, tichazvivhura masvondo maviri temu yechipiri isati yatanga. Tichiri kushanda pamusoro penyaya iyi uye kana mamiriro ezvinhu achinge agadzikana, zvinhu zvose zvichadzokera panzvimbo yazvo.”

VaShumba vanoti mamwe maticha nevana vari kukundikana kusvika kuzvikoro zvavo nekuda kwekuti migwagwa nemazambuko zvakaparadzwa nemafashamu aya.

“Tiri kutadza zvakare kuwana mashoko akawanda kubva kuvarairidzi vari kuzvikoro izvi nekuda kwekusashanda zvakanaka kwemasaisai enhare uye vamwe varairidzi havazi kuonekwa, havazi kuzivikanwa kwavari,” vanodaro.

Hurumende yakatanga kuita ongororo yakadzama pamusoro pekuparadzwa kwakaitwa zvivakwa nezvimwe zvakasiyana neCyclone Idai.

 

Share This:

Sponsored Links