‘Zvikoro hazvifanirwe kuvhariswa neCovid’

27 Feb, 2022 - 12:02 0 Views
‘Zvikoro hazvifanirwe kuvhariswa neCovid’

Kwayedza

Thandeka Moyo-Ndlovu

ZVIKORO hazvifanirwe kuvharwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19 sezvo kubaiwa nhomba chete iri iyo nzira yakajeka yekurwisa chirwere ichi, vanachiremba vepaUniversity of Zimbabwe vanove nyanzvi dzeongororo dzezveutano vanodaro.

Nyanzvi idzi dzinoti matanho anofanirwa kutorwa kudzivirira kupararira kwedenda iri anosanganisira kukurudzira vadzidzi nevarairidzi kuti vabaiwe nhomba uye kutevedzerwa kwemitemo yakananga kurwisa chirwere ichi pane kuvhara zvikoro.

Kubvira munaKurume 2020 apo pakatanga chirwere cheCovid-19, Zimbabwe, sedzimwe nyika, yasangana nenguva apo zvikoro zvinombovharwa nedonzvo rekurwisa kupararira kwedenda iri.

Svondo rapera Hurumende yakazivisa kuti wose ane makore 12 okuberekwa zvichikwira anokwanisa kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nesangano rePaediatric Association of Zimbabwe, iro rinove mubatanidzwa wenyanzvi dzezveutano hwevana, ndokuonekwa kuti zvakakodzera kuti vemazera aya vabaiwe nhomba.

Danho iri riri kutambirwa zvikuru nenyanzvi dzezveutano dzepaUniversity of Zimbabwe dzinosanganisira Dr Grant Murewanhema nevamwe vavo, avo vakanyora gwaro rinonzi “Optimising Covid-19 Vaccination Policy to Mitigate Transmission Within Schools in Zimbabwe”.

Gwaro iri rinokurudzira kuti chirongwa chekubaya nhomba chipararire kune vemazera madiki vasati vave kubaiwa.
Vanachiremba ava vanoti zvikoro zvinofanirawo kukurudzira kuti vadzidzi vasaita chitsokotsoko uye zvisavharwe kwenguva refu.

“Nemafungiro aya, vanyori (vegwaro iri) vanokurudzira kuti zvikoro zvisavharwe senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri. Asi, panofanirwa kutorwa matanho ekudzivirira chirwere ichi anosanganisira kubaiwa nhomba kwevadzidzi uye kuita ongororo yekuona kuti muzvikoro hamuna njodzi here yekunyuka kwechirwere ichochi,” vanodaro Dr Murewanhema.

“Ruzivo rwuri kukushwa pano rwunoratidza kuti zvikoro zvinofanirwa kuramba zvakavhurwa nekuda kweumboo hunoratidza kuti izvi zvakanyanya kunakira utano nebudiriro yevadzidzi.”

Pakanyuka chikamu chekutanga (1st wave) cheCovid-19 nechechipiri (2nd wave) muna2020 na2021, zvikoro zvakambovharwa kwenguva refu.

“Pane kumwe kushushikana kuri kutaurwa nezvako pamusoro pezvinonzi zviri kukonzerwa neCovid-19 izvo zvinosanganisira kuwanda kwenyaya dzevanasikana vasati vabva zera vari kupihwa pamuviri, kuroodzwa kwevasikana vadiki, kutorwa kwezvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri uye kushandiswa kwevana mabasa asina kukodzerana navo,” vanodaro Dr Murewanhema.

“Kubaiwa nhomba kwakaonekwa senzira yakanaka zvikuru yekuti veruzhinji vakwanise kudzivirira kupararira uye kufa nechirwere ichi. Kubvira pakatanga zvirongwa zvekubaya nhomba dzezvirwere zvinotapuriranwa pasi rose, upenyu hwemamiriyoni evanhu hwakadzivirirwa kubva kumatenda aya, uye mamwe acho akabva atopera zvachose.”

Vanachiremba ava vanokurudzirawo Hurumende kuti itore matanho ekuona kuti mari inobhadharwa nevanhu vanenge vachida kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 yadzikira kuitira kuti vadzidzi vakwanise kuvhenekwa nguva nenguva.

“Mashoko anoshambadzwa nenzira inokwezva mwoyo yevechidiki ari pamusoro pekukosha kwekusaita chitsokotsoko, kushambidza maoko nesanitizer kana nemvura ine sipo anodiwa uye anofanirwa kuvapo nechimbichimbi,” vanodaro Dr Murewanhema.

“Zvikoro zvakawanda zvave kuti vana vapfeke ma’face shields’ asi hapana umboo hunoratidza kuti izvi zvinobatsira mukudzivirira denda iri munharaunda yechikoro uye zvinotoita kuti vana vasagadzikane.”

Share This:

Sponsored Links