‘Zvikoro zvakagadzirira vana’

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
‘Zvikoro zvakagadzirira vana’ Ambassador Mathema

Kwayedza

Nqobile Tshili

HURUMENDE inoti zvikoro zvichashandisa ruzivo rwazvakawana gore radarika panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 apo zvichavhurwa kuvadzidzi vose neMuvhuro unotevera.

Zvikoro zvakatanga kuvhurwa nemusi weMuvhuro wadarika kuvana vari kunyora bvunzo gore rino.

Hurumende gore rapera yakaparura gwara rematanho anofanirwa kutevedzwa pakuvhurwa kwezvikoro pasi peStandard Operating Procedures (SOP).

Matanho aya anonganisira kuderedza huwandu hwevana mukirasi nechinangwa chekuti vasaite chitsokotsoko.

Zvikoro zvinotarisirwa zvakare kuongorora kudziya kwemiviri yevadzidzi nguva nenguva, kushandisa masanitiser kuzora maoko uye nekuona kuti mamasiki akapfekwa nemunhu wose anenge ari munharaunda yechikoro.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanoti Hurumende haitarisire kusangana nezvimhingamipinyi panovhurwa zvikoro sezvo paine zvakadzidzwa gore rapera maringe nekurwisa Covid-19 muzvikoro.

Vakataura mashoko aya vachipindura mibvunzo mudare reNational Assembly nemusi weChitatu apo nhengo dzedare iri dzaida kuziva kuti Hurumende iri kutora matanho api ekuchengetedza utano hwevana nevarairidzi muzvikoro.

“Covid-19 muZimbabwe uye nepasi rose haina kutanga nhasi. Tave nayo kwenguva inodarika gore, nyika yose kusanganisira makambani, mahofisi kunyangwe dare rino reParamende, tose tiri kushanda nesimba kurwisa kupararira kweCovid-19. Saka tiri kushandisa ruzivo rwatakawana gore rapera uye tinoenderera mberi nezvikoro zvichivhurwa tichishandisa ruzivo urwu,” vanodaro.

Ambassador Mathema vanoenderera mberi: “Nekudaro hatione musiyano uripo nezvakaitika gore rapera zvekuti tingaite zvakasiyana nezvatakaita gore radarika. Hongu, tichatarisa nyaya yacho yose uye nekutevedza zvinodiwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete neWorld Health Organisation (WHO).”

Vachipindura mumwe mubvunzo pamusoro pevamwe vadzidzi vari kunetseka kuwana nzvimbo dzeGiredhi 1 nedzeForm 1, Ambassador Mathema vanoti vabereki vevana vakadai vanofanirwa kuenda kumahofisi ebazi ravo ari kumatunhu kwavo kuti vanobatsirwa.

“Mwana wose ari muZimbabwe anofanirwa kuenda kuchikoro uye mukuru wechikoro choga-choga – chingave cheHurumende kana kuti chakazvimirira – anofanirwa kuona kuti mwana wose aenda kuchikoro. 

“Kana paine nyaya dzekuti vana vari kudzingwa kuzvikoro nekuda kwezvikonzero zvipi, uye tine mitemo yekurwisa Covid-19, vabereki vanogara nevana nevamwe vose ngavaende kumahofisi ebazi redu ari kumatunhu avo. Hatizi kutendera izvozvo. Mwana wose ngaaende kuchikoro,” vanodaro Ambassador Mathema.

Share This:

Sponsored Links