Zvikoro zvamauto zvakapihwa mibairo

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Midlands Correspondent

MUKURU wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant General Edzai Chimonyo, svondo rapera vakapa mibairo kuzvikoro zvepuraimari nesekondari zviri pasi pemauto izvo zvakakunda mumakwikwi ezvidzidzo nemumitambo pachiitiko cheCommander ZNA Schools Merit Awards chakaitirwa paHeadquaters Infantry Bridgade.

Vachitaura, Lt Gen Chimonyo vakayeuchidza vana kuti vane basa guru rekuita mukuvandudza upfumi hwenyika.

“Dingindira regore rino iro rinoti, “Dzidzo yekusimudzira budiriro yenyika kuburikidza nemabasa emawoko eupenyu, sainzi nekuvandudzwa kwemichina” rinofambirana neHurumende uye neNew Curriculum izvo zvakananga kusimudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvizviyemure pamwe nekuti vakwanise kutsvaga mazano ekugadzirisa matambudziko avanosangana nawo mushure mekupedza dzidzo,” vanodaro.

Vanorumbidza zvikoro zviri pasi pamauto nekuvaka zvivakwa, kunyanya zvekufundira zvidzidzo zvesainzi izvo zvaona zvakawanda zvacho zvava nemalaboratories nekupinzwa basa kwevaraidzi vesainzi.

“Ndinoziviswa uye ndinofara kuti zvikoro zviri pasi pemauto zviri kuita zvinobatika panyaya yekusimudzira zvivakwa muchikamu chesainzi nekuvandudzwa kwemichina izvo zvinoenderana nedonzvo reHurumende rekuti sainzi ibatsire mukusimudzirwa kwemaindasitiri enyika,” vanodaro.

Lt Gen Chimonyo vanoti mauto ari kuita mushandirapamwe nemapoka akasiyana mukuvaka zvakadai semakamuri ekudzidzira makombiyuta, laboratories pamwe nekutsiva mablack board anoshandiswa chalk pachiiswa emakombiyuta (electronic computer boards) senzira yekufambirana nechirongwa cheICT.

Chiitiko ichi, icho chinoitwa gore roga-roga, chakaona Ngezi High School neMagunje Secondary School zvichiwana mibairo mikuru yevadzidzi vakapasa bvunzo dzeA-Level munaMbudzi gore rapera nechikamu che100 percent.

Ngezi High School yakawana mumwe mubairo mushure mekukunda zvimwe zvikoro mubvunzo dzeO-Level dzegore rapera zvichitevera kupasa kwakaita vana vepo nechikamu che65,9 percent.

Chikoro ichi chakawanawo mubairo kuchikamu chesainzi wekugadzira muchina unochechenyerwa hukwana (incubator) mumakwikwi esekondari apowo 2 Bridgade yakahwinha mubairo mumwe chete kuzvikoro zvepuraimari mushure mekunge vadzidzi vepachikoro ichi vakagadzira muchina wekutonongora nzungu.

Vadzidzi vakawanda vakaendawo kumba nemibairo yakasiyana apo vakakunda mumakwikwi akaita semujaho, nhabvu, volleyball, netball necricket.

Zvikoro 12 zvesekondari nezvitanhatu zvepuraimari zvakabva kumativi mana enyika zvaive pagungano iri.

Vaive pagungano iri vanosanganisira Professor Paul Mapfumo, avo vakafanobata chigaro chaUniversity of Zimbabwe Vice-Chancellor.

Share This:

Sponsored Links