Zvikoro zvapihwa midziyo yeICT

14 Jun, 2022 - 12:06 0 Views
Zvikoro zvapihwa midziyo yeICT Mai Tumisang Thabela

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

WORLD Vision Zimbabwe, kuburikidza nerutsigiro rwehomwe yeEuropean Union Humanitarian Fund, iri kusimudzira chirongwa cheE-learning zvichitevera kupa kwayakaita midziyo yemakombiyuta (tablets) anosvika 1 200 kuzvikoro zviri kumatunhu mashanu enyika ino ayo anowanzowirwa nedambudziko remafashamu kuti vadzidzi vabatsirikane mukudzidza.

Vachitaura pakutambidzwa kwemidziyo iyi kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari nemusi weMuvhuro uno, munyori mukuru kubazi iri – Mai Tumisang Thabela – vanoti vanofara zvikuru nerutsigiro rwemidziyo yechizvino-zvino (Digital Learning Suitcases) vachiti ichabatsira mukusimudzira dzidzo.

“Hurumende inogashira nemawoko maviri rubatsiro rwairi kuwaniswa nevatsigiri vakadai seWorld Vision Zimbabwe, Christian Blind Mission neWelt Hunger Hilfe mukusimudzira vana, zvikuru avo vari munzvimbo dzichakasaririra vari kukundikana kuwana dzidzo yakaenzanirana nevamwe vavo vari mumaguta, zvimwe zvacho zvichikonzerwa nechimiro chenzvimbo dzavanenge vagere,” vanodaro.

Mai Thabela vanoenderera mberi vachiti, “Midziyo iyi inobatsira varairidzi kuti vadzidzise vana nenzira dziri nyore kuburikidza nemasaisai. Vadzidzi vanokwanisawo kuita ongororo yavo vachikura mupfungwa.”

Vanoti kubvira mugore ra2020, nyika ino yakawirwa nedambudziko rechirwere cheCovid-19 izvo zvakaona vadzidzi vachirasikirwa nefundo kwemwedzi minomwe izere nekudaro kushandiswa kwemidziyo yeInformation Communication Technology (ICT) kuchavhara mukaha uyu.

“Mugore ra2019, zvikoro 51 zviri mudunhu reManicaland negumi zvekuMasvingo zvakasangana nedambudziko remafashamu eCylone Idai, saka kana vadzidzisi nevadzidzi vaine matablets ane masaisai eindaneti aya, vanoramba vachienderera mberi nedzidzo,” vanodaro.

National Director weWorld Vision Zimbabwe, VaAssan Golowa vanoti chinangwa chavo ndechekusimudzira dzidzo muZimbabwe.

Mamwe ematablets akapihwa zvikoro neWorld Vision Zimbabwe

“Pari zvino tiri kutsigira zvikoro 250 zviri mumadistricts mashanu zvinoti Chipinge zvikoro 58, Chimanimani 30, Buhera 64, Nkayi 48 uye Tsholotsho 50. Chinangwa chedu ndechekuti mwana wose awane dzidzo yakaenzana.

“Takaona kuti vana vakawanda vari munzvimbo dzinogara dzichisangana nenjodzi dzekusanduka kwemamiriro ekunze semafashamu, dutu nezvimwe vari kusaririra munyaya dzedzidzo. Saka rutsigiro urwu rwuchaita kuti vafambirane nevamwe.

“Tiri kutsigira zvekare dzidzo yevana kuburikidza nekuvawanisa maredhiyo muzvikoro 250 sezvo nyika iri kuwanisa zvidzidzo zveparedhiyo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links