‘Zvikoro zvatigura kunorira Vabereki votengeswa girosari… Zvimwe zvokwidza mari dzefizi..Mayunifomu, mabhuku odhura

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Zvikoro zvatigura kunorira Vabereki votengeswa girosari… Zvimwe zvokwidza mari dzefizi..Mayunifomu, mabhuku odhura Nyasha Abadu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

RAKANGA riri besanwa muguta reHarare nomusi weMuvhuro uno apo vabereki vaive mubishi kutenga zvinhu zvinodiwa kuzvikoro zvisinei kuti vakawanda vaichema-chema nekuda kwekudhura kwezvakaita semayunifomu, mabhuku nematirangi.

Shandai Madzonga

Kuzviteshi zvemabhazi kwakange kusingadanwe anonzwa apo vamwe vabereki vaiperekedza vana vavo kuzvikoro zvemabhodhingi zviri kumativi mana enyika.

Kwayedza yakasvika kuzviteshi zvemabhazi zviri muguta reHarare zvinosanganisira chekunaSimon Muzenda (Fourth Street), Mbare Musika nekuRotten Row ndokuona kuti huwandu hwevana vari kuenda kuzvikoro zvebhodhingi hwakaderera kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

Tawanda Marevanhema

VaTawanda Marevanhema (46) vemuHarare vanoti vabereki vanoomerwa zvikuru panguva yekuvhurwa kwezvikoro sezvo zvakawanda zvinenge zvichidiwa kuti vana vadzokere kunodzidza.

“Kune maZupco akanzi achatakura vana vechikoro saka taenda kuMbare tichida kukwidza vana asi zvaramba nekuti mabhazi acho mashoma zvisinei nekuti akaderera pamutengo. Ndanga ndichinoda kukwidza mwana ari kuenda kuCentenary kunoita $75 asi neZupco vanga vachiti $35.

“Tazotomuendesa nemakombi taona kuti anganonoka kusvika kuchikoro kana kuzobirwa papuresha,” vanodaro.

Vatengesi vepanze vezvinhu zvinoshandiswa kuzvikoro

“Dambudziko guru nderekukwira kwemari dzechikoro dzebhodhingi zvisinei nekuti Hurumende yakati dzisakwira uye kudhura kwechikafu, nemabhuku anodiwa neNew Curriculum akawandisa uye achidhura. Sei temu yoga-yoga vana vachinzi tengai mabhuku matsva, vanodii kushandisa ekare iwayo?”

Vanoti kudai Hurumende yadzokera pekare apo vana vaipihwa mabhuku pachena muzvikoro kuitira kuti vabereki varerukirwe.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaBlessing Mupwanda (38) vemuHarare zvakare vachiti vabereki vakanyanya kuomerwa ndeavo vane vana vari kutanga Giredhi 1 neFomu 1.

“Tiri kutemeswa misoro nezvinhu zvakawanda zvinodiwa kuzvikoro, apa mari dzacho dziri kutiremera, mabhuku nemayunifomu. Sevana vari kutanga Fomu 1 kana Giredhi 1, vatengesi vabva vakwidza zvinhu nekuziva kuti zvinototengwa chete.

“Kumabhodhingi takapihwa malist emagirosari ari kudiwako akawanda zvekutodarika chikafu chatinodya pamwedzi miviri kumba,” vanodaro.

VaShandai Madzonga (34) vanoti midziyo yechikoro kuti iwanikwe yakachipa, inenge ichida mari yemusvo kana yekunze inova isiri nyore kuwana.

MuZimbabwe hamutenderwe kutenga kana kutengesa nemari yekunze.

“Isu tinotambira mari yedu iri yemuno asi muzvitoro vava kungoti vanoda maUS$ kana mari yemusvo. Juzi remwana wechikoro riri kuita $700 muzvimwe zvitoro asi kana ari maUS$ rinoita US$10, kana iri mari yemusvo ronzi $130. Kusiyana kwemitengo ndiko kwanyanya kutikuvadza.

“Kuzvimwe zvikoro, vana vari kunzi havakwire bhazi kana vasina girosari rinosanganisira mugomo wechibage, mafuta, munyu, mupunga neshuga kuchizoti mari yekufambisa neyechikoro uye mabhuku. Kutaura chokwadi mubereki arohwa ne“January Disease’’,” vanodaro.

Kuchiteshi chekuRotten Row, munyori uno akasangana nevana vekuSt Columba’s High iri kuHonde Valley avo vaitonzi havapinde mubhazi kana vachinge vasina kuratidza girosari rakatarwa.

Girosari iri rakanga rakatotsvagirwa kombi padivi yekuritakurisa apo mwana mumwe nemumwe aitanga amakwa zita rake kuti aunza chikafu asati apinda mubhazi rechikoro.

“Zvamuri kuona izvozvi ndizvo zviri kuitika, takatonzi titenge ma2 litres emafuta ekubikisa maviri, ma2kg eshuga maviri nema2kg emupunga maviri. Saka hatingazive kuti zvose zvichadyiwa nevana vechikoro here kana kuti zvinogona kuzodyiwa nematicha nekuti izvi zvitsva kwatiri. Vari kungoti zvinhu zviri kukwira saka nekutyira kuti vana vedu vangafa nenzara, tatotenga,” anodaro mumwe mubereki achikumbira kuti zita rake risaburitswe.

Mai Kiara Machengedze — avo vane mwana anodzidza kuMavhudzi High, kuNyazura — vanoti vaneta nenyaya dzekunzi vawedzere mari yefizi nguva nenguva.

“Matop-up anotorwadza nekuti unenge wabhadhara mari inodiwa asi vana vari munzira kuenda kuchikoro seizvozvi hazvishamisi kutoona watumirwa meseji yekuti mari dzawedzera. Chikafu, mabhuku, mayunifomu zviri kudhura,” vanodaro.

Kuchiti Nyasha Abadu anova mutengesi wezvinhu zvepanze anoti makasitoma anga achiuya akawanda asi vazhinji vange vachingochema-chema kuti dai vaderedzerwa mitengo.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) pamwe nezvikwata zveCrime Consultative Committee vaikushawo mashoko echenjedzo kune veruzhinji vaikwira mabhazi pamwe nevatyairi nemafambiro akanaka mumigwagwa uye dziviriro yenjodzi dzekubirwa.

Share This:

Sponsored Links