Zvikoro zvekuChimanimani zviri kukumbira rubatsiro

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Zvikoro zvekuChimanimani zviri kukumbira rubatsiro Cde Sacco

Kwayedza

Takunda Maodza

MUMIRIRI weChimanimani East mudare reNational Assembly, Cde Joshua Sacco, vari kukumbira kuHurumende nevemabhizimusi kuti vabatsire kuunganidza zvinoda kushandiswa pakuvakwa patsva kwezvikoro zvakaparadzwa nemvura yaive nedutumupengo nguva yadarika.

Zvikoro zvakaparadzwa nemvura yaiva nedutu zvikaita kuti vana vasare vachidzidzira pamhene.

Zvikoro zvakasangana nenjodzi iyi zvinoti Kwirire Primary School, Nyambeya Primary School, Chikukwa Primary School neManase Primary School.

“Ndiri kukumbira kuHurumende nevemabhizimusi kuti vabatsire mukuunganidzwa kwezvekuvakisa zvikoro izvi nezvimwe zviri kunzvimbo dzakawirwa nedambudziko remafashamu eCyclone Idai. Rubatsiro kubva kune mamwe masangano kana vemabhizimusi kunze kweHurumende rwunotambirwa,” vanodaro Cde Sacco.

Vanoti zvimwe zvikoro zvava kusiyanisa nguva yekuti vana vadzidze.

“Vamwe vana vava kudzidza vachichinjana apo vamwe vanouya mangwanani vamwe vouya masikati,” vanodaro.

Vana vechikoro vakanga vava pakati pekunyora bvunzo dzavo dzekupedza gore apo mvura iyi yakaparadza kudunhu iri.

Kukasira kudzoserwa kumba kwakaitwa vana apo vakuru vepaKwirirai Primary School vakaona kuti pangangoita njodzi inokonzerwa nemvura kwakaponesa vana vakawanda.

Chikoro ichi chiri pasi peChimanimani Rural District Council, uye chakavakwa mugore ra1981 chiine vana 1 154.

“Mushure mekuona kuti mvura iyi ingangokonzeresa njodzi, takati vana vadzokere kudzimba. Dai tisina kuita izvi pangadai pakaita dambudziko guru raikonzera kufa kwevana tichitarisa kuparadza kwakazoita mvura iyi zvivakwa zvepachikoro,” vanodaro VaTwoboy Mapoze Sithole vanove mukuru weKwirire Primary.

PaNyambeya Primary School, mvura iyi yakaparadza chikoro apo pakanga paine vadzidzisi vaviri chete.

Vamwe vadzidzisi vakanga vaenda kudzimba dzavo kupera kwevhiki. Chikoro nedzimba dzevadzidzisi zvakaparadzwa nedutu iri.

PaChikukwa Primary School, dzimba dzekudzidzira nhatu dzakaparadzwa zvakare kuchiti paManase Primary School pakaitwawo zvimwe chetezvo nemvura iyi.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti vakapa basa kunaDistrict Schools Inspector weChimanimani kuti anyore gwaro rinoratidza kuti zvikoro zvakakanganiswa zvakadii nemvura iyi.

MunaKurume gore rino, Chimanimani neChipinge mamwe ematunhu akawirwa nedambudziko remvura yaive nedutumupengo yeCyclone Idai iyo yakakonzeresa kufa kwevanhu, kuparadzwa kwezvivakwa nezvimwe zvinokosha US$1 bhiriyoni.

 

Share This:

Sponsored Links