Zvikoro zvinodawo inishuwarenzi: IPEC

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Zvikoro zvinodawo inishuwarenzi: IPEC VaLloyd Gumbo

Kwayedza

Daphne Machiri
KOMISHENI yeInsurance and Pensions Commission (IPEC) — iyo inonyoresa nekuona nezvekufambiswa kwemabasa nemakambani anoita zveinishuwarenzi nemapenjeni muZimbabwe —  iri kukurudzira zvikoro kuti zvinyorese muzvirongwa zvemainishuwarenzi kuitira kuti zvizowana kwekupotera kana zvichinge zvasangana nenjodzi dzakaita sekuparadzwa kwezvivakwa nemafashamu kana nemoto.

Muhurukuro neKwayedza, mukushi wemashoko kukomisheni iyi, VaLloyd Gumbo, vanoti inishuwarenzi muzvikoro yakakosha nekuti inzira yekuchengetedza nayo midziyo inosanganisira zvivakwa zvakadai sedzimba dzekudzidzira, mabhuku nezvimwe zvinokosha izvo zvinoshandiswa mudzidzo.

“Tichitarisa tinoona zvakaita semafashamu emvura yeCyclone Idai ayo akaitika nguva yadarika kudunhu reManicaland akaparadza dzimba dzekudzidzira, mabhuku akaenda nemvura uye zvimbuzi nemimwe midziyo yemuzvikoro ikatsakatika. Saka pakadai apa kana zvikoro zviine inishuwarenzi, zvinobatsira mukugadzurudza zvinenge zvakaparadzwa nekuda kwekuti zvinobva zvagadziriswa pakarepo dzidzo yoramba ichienderera mberi,” vanodaro VaGumbo.

Vanoti inishuwarenzi inorerutsira vabereki nezvikoro nekuda kwekuti dzimwe nguva vanenge vasina mari yekugadzirisa zvinenge zvaparadzwa munjodzi dzakasiyana.

“Inishuwarenzi inobatsira pakurerutsa kuvandudza nekugadzurudza zvikoro zvinenge zvasangana nenjodzi nekukasika pasina dambudziko,” vanodaro VaGumbo.

Zvikoro zvakambosanga nenjodzi yemoto zvinosanganisira Prince Edward High iri muHarare apo pakatsva mabhuku nemimwe midziyo zvinokosha $800 000 mugore ra2015.

Chikoro ichi chinonzi chakambosangana nedambudziko rekutsva kwemumwe mudhuri zvakare muna 2012.

Hartzell High School, iri kwaMutare, yakasanganawo nenjodzi yemoto gore rino uyo wakaparadza dzimba dzekudzidzira.

Share This:

Sponsored Links