Zvikoro zvitsva 2 000

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Zvikoro zvitsva 2 000

Kwayedza

 ‘Dzidzo ikodzero yemwana wose’

BATO riri kutonga reZANU-PF rinoti rinokoshesa zvikuru kuwanikwa kwedzidzo nemwana wose munyika uye rine hurongwa hwekuvaka zvimwe zvikoro 2 000 panosvika gore ra2023.

Izvi zviri mugwaro rebato iri rekutsvaga rutsigiro musarudzo, reZANU-PF 2018 People’s Manifesto.

“ZANU-PF yakazvipira kuramba ichisimudzira dzidzo munyika. Hapana mwana anofanira kushaiswa mukana wekudzidza zvisinei nekumhuri kwaanobva.

“Pamusoro pezvo, dzidzo nehunyanzvi hwemabasa akasiyana zvakananga kusimudzira upfumi hwenyika zvichibva paruzivo. Nekudaro ZANU-PF icharamba ichitora matanho akananga kuona kuti fundo iri kufambirana nezvinodiwa mukusimudzira upfumi hwenyika,” rinodaro bato iri.

“Hurumende yeZANU-PF ichatora matanho anosanganisira kusimudzira zvivakwa pamwe nekuvaka zvimwe zvikoro 2 000 panosvika gore ra2023. Ruzivo rwevarairidzi rwucharamba rwuchivandudzwa zvakare mushure mekuita sungawirirano nemasangano anomirira maticha nedonzvo rekusimudzira fundo munyika.

“Pachave nezvirongwa zvekubatsira vadzidzi nemari dzezvikwereti uye izvi zvichaitwa nemushandirapamwe wemakambani akazvimirira nemamwe mapoka. Zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering, Arts neMathematics zvicharamba zvichisimudzirwa.”

Kunze kwaizvozvo, ZANU-PF inoti ichatora matanho ekuvandudza zvidzidzo zvemabasa emawoko.

“Izvi zvichaitwa kuburikidza nekuvandudza zvivakwa zvemabasa emawoko zvagara zviripo (Vocational Training Centres) pamwe nekuvakwa kwemizinda yakadai padistrict rimwe nerimwe munyika.”

Bato iri rinoti richaramba richivandudza mashandiro evarairidzi kuitira kuti vaite basa ravo vakasununguka uye vachifara.

Munyaya dzeutano, ZANU-PF inoti icharamba ichikoshesa kuwanikwa kweutano uye nenzira yakarerukira veruzhinji.

“Tichaona kuti bazi rinoona nezvehomwe yenyika rapa chikamu che15% chemari yebhajeti repagore renyika yose mukusimudzira nyaya dzeutano sezviri mugwaro reAbuja Declaration. Mari dzinotambirwa nevashandi vari muchikamu cheutano dzicharamba dzichivandudzwa zvakare.

“Pachatorwa matanho ekumutsiridza makambani anogadzira mapiritsi nemishonga yekurapisa uye kuona kuti zvose izvi zviri kuwanikwa nenzira isingadhuriri veruzhinji.”

ZANU-PF inoti ine hurongwa hwekuvaka chipatara chitsva chimwe chete padistrict yoga-yoga munyika panosvika gore ra2023,

Share This:

Sponsored Links