Zvikoro zvitsva zvovakwa

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Zvikoro zvitsva zvovakwa

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti hurongwa hwekuvakwa kwezvikoro 17 (satellite schools) – 11 zvepuraimari nezvitanhatu zvesekondari – kumatunhu masere enyika pasi pechirongwa chemari inosvika $20 miriyoni hwave padanho repamusoro.

Mari iyi yakapihwa kuHurumende sechikwereti neboka reOPEC Fund for International Development (OFID).

Dr Dokora vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weChegutu West mudare iri, Cde Dexter Nduna.

Cde Nduna vaida kuziva pasvika basa rekuvakwa kwezvikoro izvi zvichitevera mari yakakwereteswa kuHurumende neOFID.

Dr Dokora vanoti bazi ravo riri kushanda siku nesikati mukuona kuti zvikoro izvi zvavakwa nekuchimbidza.

“Kusvika pari zvino, pane matanho makuru maviri atatora. Chekutanga, takatumira gwaro riri pamusoro pezvikoro zviri kuda kuvakwa kuOFID. Chechipiri, mvumo yekuti tishambadze kuitira makambani angade kuzovaka zvikoro izvi takaipihwa uye takatoshambadza.

“Danho riri kutevera nderekuita hurukuro nemakambani ari kutarisirwa kuzovaka zvikoro izvi obva atanga basa,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti zvikoro izvi zviri kuvakwa kumatunhu anoti Mashonaland West, Midlands, Mashonaland Central, Masvingo, Matabeleland North, Mashonaland East, Manicaland neMatabeland South.

Zvikoro zvepuraimari zviri kuvakwa ndezvinoti Sadomba Extension chiri kuMakonde, Chehama (Hurungwe), Just Right (Mhondoro-Ngezi), Budiriro (Gokwe North), Tengende (Guruve), Craigside (Bindura), Nyuni (Mwenezi), Kokoloza (Binga), Teme (Bubi), Makumimavi (Chikomba) neLawrencedale (Makoni).

Nerumwe rutivi, zvesekondari zviri kuvakwa ndezvinoti Tavoy (Hurungwe), Neta (Mberengwa), Belgonie (Mazowe), Nyuni (Mwenezi), Sterksrooms (Chipinge) neMokgampo (Mangwe).

Vachipindura mumwe mubvunzo kubva kumumiriri weGoromonzi West, Cde Beatrice Nyamupinga, Dr Dokora vanoti bazi ravo riri kutora matanho akananga kubatsira vanasikana ekuti vawane zvekushandisa nyore panguva yavo yekutevera apo vanenge vari kuchikoro.

Cde Nyamupinga vaida kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukubatsira vanasikana avo vamwe vavo vanotadza kuenda kuchikoro panguva yavo yekuteverera nekuda kwekushaiwa zvekushandisa zvakakwana.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakaita zvakanaka mukutanga kwarakaita chirongwa chekupa vadzidzi zvekudya muzvikoro. Ndinoda kuziva kuti bazi iri riri kutora matanho api pakubatsira vanasikana nezvekushandisa panguva yavanenge vachitevera sezvo vazhinji vavo vanopedzisira vorovha kuchikoro,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tinoda kuziva kuti dambudziko iri rakatarisana nevanasikana ava riri kugadzisiriswa sei. Kunyika yeKenya, vanasikana vanopihwa zvekushandisa panguva yavo yekutevera izvo zvinogara zviri mumabhegi avo echikoro.”

Dr Dokora vanoti chirongwa chekupa vadzidzi zvekudya muzvikoro chiri kuenderera mberi uye pane hurongwa hwekuti pave negwaro rinocherechedza nyaya dzeutano hwevadzidzi.

“Panyaya yezvekushandisa zvevanasikana panguva yavo yekutevera apo vanenge vari kuchikoro, vaimbobatsirwa nemasangano akazvimirira anosanganisira CAMFED, World Vision nemamwe. Gore rino takaita kuti pave ne- zvirongwa zvekupa chenjedzo pamusoro pekuti tive negwaro rinocherechedza nyaya dzeutano hwevadzidzi, reSchool Health Policy,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tiri kuita hurukuro zvakare nebazi revanhukadzi, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda. Tave padanho repamusoro uye tinovimba kuti munguva pfupi iri kutevera gwaro iri richange ravepo kuitira kuti vanasikana vasarovhe chikoro panguva iyo vanenge vachitevera.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey