Uncategorized

Zvikoro zvogadzirira kudzivirira Covid-19

10 Sep, 2020 - 11:09 0 Views
Zvikoro zvogadzirira  kudzivirira Covid-19 Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri mushishi kutenga midziyo nezvimwe zvekushandisa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvinokosha $654 147 907 zvemuzvikoro panguva iyo zvakatarisana nekuvhurwa kuitira vana vari kunyora bvunzo.

Vachitaura nevatori venhau nemusi weChipiri chino mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro dzava padanho repamusoro.

Zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa nemusi wa14 Gunyana kuvana vari kunyora bunzo dzeCambridge kuchitiwo vachanyora dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) vachavura nemusi wa28 Gunyana. “Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rave padanho repamusoro penyaya yegadziriro yekuvhurwa kwezvikoro nemusi wa14 na28 Gunyana, 2020 kuitira bvunzo dzeCambridge nedzeZimsec.

“Bazi iri pari zvino riri mushishi kutenga zvinhu zvinosanganisira mathermometer nezvimwe zvinodiwa panyaya dzehutsanana zvinokosha $654 147 907,” vanodaro Sen Mutsvangwa. Hurumende svondo rino yakadzika hurongwa hwezvinofanirwa kutevedzwa nevana, varairidzi nevamwe vashandi muzvikoro pakuvhurwa kwazvo (Standard Operating Procedures (SOP).

Gwaro reSOP iri rinodzidzisa nezvenzira dzichatevedzwa kuti pakurumidze kuonekwa chirwere cheCovid-19 uye kudzivirirwa kwacho muzvikoro.

Zvikoro zvinofanira kuva nemichina yekuvheneka kudziya kwemuviri, nzvimbo dzekugezera maoko nesipo, masanitiser pamagedhi, magwaro anoratidza kuti chikoro chiri kufiritwa nguva nenguva, zvipfeko zvakakwana zveveutano vanoshanda pazvikoro, magwaro ane ruzivo rwezveCovid-19 – zvikuru dziviriro yekupfeka mamasiki, kushambidzika nezvimwe.

Sen Mutsvangwa vanoti komiti iri kuona nezvekufambiswa kwemashoko maringe nechirwere cheCovid-19 (risk and communication sub-committee) iri kusimbaradza chirongwa chekupa veruzhinji chenjedzo pamusoro pedenda iri. “Pasi pechirongwa ichi, pachaumbwa zvikwata zvevashandi vezveutano vemunharaunda (community health clubs) uye vanhu vakazvipira vofundiswa pamusoro pezvavanozodzidzisawo vamwe munharaunda dzavo.

“Vanenge vakazvipira ava vonozofundisa vanhu pamusoro pekuzvidzivirira nekuzvichengetedza kuti vasatapurirwe kana kutapurira chirwere ichi. Chirongwa ichi chichasvika zvakare kunzvimbo dzinoungana vanhu idzo dzine njodzi yekunyuka kwechirwere ichi dzinosanganisira kumachechi, mundufu nekuzviteshi zvinokwirirwa mabhazi neveruzhinji,” vanodaro Sen Mutsvangwa. Kusvika nemusi weChipiri, Zimbabwe yange yava nevanhu 7 388 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa. Pavarwere ivava, 5 477 vavo vakatopona asi vamwe 218 vakafa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey