Zvikoro zvombomira kuvhurwa

17 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Zvikoro zvombomira kuvhurwa Senator Mutsvangwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza
KUVHURWA kwezvikoro uko kwanga kuchifanirwa kuitwa nemusi wa28 Chikunguru kwapfuudzirwa kumberi zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe avo nemusi weChipiri vange vava 1 064.

Dare reCabinet nemusi uyu rakatora danho rekupfuudzira mberi kuvhurwa kwezvikoro senzira yekudzivirira chirwere ichi kuvana nevarairidzi.

Pamusoro pezvo, Cabinet yakatora mamwe matanho zvakare anosanganisira kusimbaradzwa kwezvirongwa zvekumisa kupararira kweCovid-19 muzvimbo dziri kukurumbira chirwere ichi uye nekuvhenekwa kwevanhu vakawanda munzvimbo dzakadai.

Pakatanga chirwere ichi munyika muno, vanhu vakawanda vaibatwa vainacho ndeavo vari kubva kunze kwenyika izvo zvasiyana nazvino sezvo Covid-19 yave kubata vakawanda munharaunda dzenyika ino.

Nemusi weChipiri, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakazivisa kuti vamwe vanhu 30 vakawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa, 14 vakabva kunze ne16 vagara vari muZimbabwe.

Pavanhu 1 064 vabatwa vaine Covid-19, 343 vakatonaya asi vamwe 20 vakafa.

Vachizivisa nezvekupfuudzwa mberi kwekuvhurwa kwezvikoro mushure memusangano weCabinet apo vaitaura kuvatori venhau, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Cabinet yakagamuchira gwaro reAd-Hoc Inter-Minitserial Committee on Covid-19 iro rine zvinofanirwa kutevedzerwa mukusimbaradza kurwisa chirwere ichi.

Gwaro iri rakaturwa naVice President Kembo Mohadi vanova sachigaro wekomiti iyi.

“Kuvhurwa kwezvikoro kwapfuudzwa kumberi, kunyorwa kwebvunzo kuri kufambira mberi asi zvikoro zvakazvimirira izvo zvakange zvatovhura kare zvisina kupihwa bvumo zvicharangwa nemutemo,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti zvirongwa zviripo pari zvino zvekurwisa kupararira kweCovid-19 hazvisi kuzonyevenutswa uye mutungamiriri wenyika President Mnangagwa vachazivisa nyika pamusoro pezvakazara zvinofanirwa kuitwa maringe nezvechirwere ichi munguva pfupi iri kutevera.

Hurumende iri kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19 nekudaro chirongwa chekuvhenekwa kwevanhu kunzvimbo dziri kukurumbira chirwere ichi dzakadai seBulawayo chichasimbaradzwa.

Mabhazi maviri achange achiita basa rekutakura vanhu vari kubva kuSouth Africa, uko kunove iko mwongo weCovid-19 mudunhu reSadc, vanenge vawanikwa vaine hutachiona uhu kuBeitbridge vachiendeswa kunzvimbo dzavanombochengerwa pedyo nekwavanobva.

Cabinet yakagamuchirawo kuvandudzwa kuri kuitwa bazi rezveutano nekurerwa kwevana.

Share This:

Sponsored Links