ZVIKORO ZVOSE ZVAVHURWA. . . kusanganisira zvekuChimanimani, Chipinge

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
ZVIKORO ZVOSE ZVAVHURWA. . . kusanganisira zvekuChimanimani, Chipinge Mai Thabela

Kwayedza

Debra Matabvu, Tanya Rusike naCarren Mushonga
HURUMENDE inoti zvikoro zvose zvakavhurwa neChipiri svondo rino, kusanganisira izvo zvakawirwa nedambudziko remvura yemafashamu yaive nedutumupengo yeCyclone Idai.

Munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Tumisang Thabela, vanoti zvikoro zvakasangana nedambudziko reCyclone Idai — zvikuru kuChimanimani nekuChipinge — zvichiri kuvakurudzwa, asi izvi hazvitadzise vana kuti vafanodzidzira mune zvimwe zvivakwa kwenguva duku.

Panyaya yezvikoro zvinonzi zviri kuda kuwedzera mari yemafizi, Dr Thabela vanoti zvikumbiro zvekuwedzera mari iyi zvakaendeswa kumahofisi edzidzo ari kumatunhu enyika.

“Chandiri kuziva ndechekuti nyaya dzine chekuita nefizi dziri kuongororwa kumahofisi edzidzo ari kumapurovhinzi uye isu hatisati tawana chikumbiro kana chimwe chete, asi tiri kuzviziva kuti zvimwe zvikoro, kunyanya zvemabhodhingi, zvakanyorera zvichikumbira kuwedzera mari,” vanodaro.

Zvichakadai, kuvakurudzwa kwezvikoro zvakaparadzwa neCyclone Idai kudunhu reManicaland – uko kwakatanga kumavambo kwemwedzi uno – kuri kufambira mberi.

Sangano reUnited Nations Children’s Emergency Fund (UNICEF) riri kubatsirawo kuburikidza nekupa matende ekuti vana vafanodzidzira uyewo nezvimwe zvinoshandiswa mukudzidza.

Kusvika pari zvino, bazi rinoona nezvehomwe yenyika rapa mari inosvika $4 miriyoni yekuvakurudza zvikoro zvinosvika 61 izvo zvakaparadzwa nemafashamu aya.

Mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoti vari kushanda nesimba kuitira kuti zvikoro zvose zviri mudunhu ravo zvivhurwe svondo rino.

“Zvikoro zvakawanda zvakakanganiswa zviri kuChimanimani uye izvi zvichavhurwa. Chipinge neBuhera zvine zvimwe zvikoro zvakakanganiswawo, asi hazvina kunyanya kuparadzwa,” vanodaro.

VaShumba vanoenderera mberi vachiti, “Kuvakurudzwa kwezvikoro izvi kwave pamatanho akasiyana asi kune dzimwe nzvimbo hakusati kwatanga. Pane matende akapihwa neveUnited Nations Children’s Emergency Fund. Tiri kushanda nesimba zvakare kuti tione kuti tine zvekushandisa mukudzidza nematicha acho akakwana.”

Kune zvimwe zvikoro zvakare zvakaendesawo zvikumbiro zvekuti zviwedzere mari yemafizi kusangano reZimbabwe Schools Development Associations Committes (ZSDA/C).

Mukuru weZSDA/C, VaClaudio Mutasa, vanoti sangano ravo hariwirirane nezvikoro zviri kuti vana vabhadharirwe mari dzemafizi pachishandiswa maUS$.

“Tinonzwisisa kuti zvikoro zvakawanda zveHurumende hazvina maakaundi ekubhengi emari yekunze, vabereki ngavabhadhare mafizi chete vachishandisa mari yemuno kana kuti maRTGS kuburikidza nekumabhangi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links