Zvikoro zvovandudzwa: ‘Tiri kutanga neMash East: Utete-Masango

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Zvikoro zvovandudzwa:  ‘Tiri kutanga neMash  East: Utete-Masango Dr Utete-Masango

Kwayedza

Daphne Machiri

HURUMENDE — kuburikidza nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari — yakatanga chirongwa chekuvandudza zvikoro nedonzvo rekuti vana vafundire pakafaranuka uye kuti vadzidzisi vange vakasununguka pabasa ravo.

Munyori mukuru mubazi iri, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti kuvandudzwa kwezvikoro uku kunotevera chirongwa chakaparurwa neHurumende muzvikoro zvose nguva pfupi yadarika chekuongorora mamiriro akaita zvivakwa, cheInfrastructure Audit.

“Hurumende ine donzvo rekuti zvikoro zvose munyika zvive nechimiro chakanaka, kunyanya dzimba dzekudzidzira, kuwanikwa kwemabhuku ekuverenga akakwana — evana zvose neevadzidzisi,” vanodaro.

Vanoti pasi pechirongwa ichi, vachatanga nekuvandudza zvikoro zviri kuMashonaland East sezvo zvimwe zvacho zviine midhuri isina kukodzera kuti vana vadzidziremo. “Tichatanga nepurovhinzi yeMashonaland East uye chimwe chezvikoro zvatichatanga nazvo iMuteveri Primary School,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti Hurumende yakaita chirongwa chekuongorora zvivakwa nechinangwa chekuti izive mamiriro akaita zvivakwa muzvikoro zviri kumativi ose eZimbabwe.

“Apa ndipo patakaona kuti purovhinzi iyi ndiyo inoda kutangwa kuvandudzwa zvikoro nekukasika chinove chirongwa chichazotekeshera nenyika yose,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tichitarisa chikoro cheMuteveri Primary School, chinotoda rubatsiro nekukasika. Takaona kuti dzimba dzokudzidzira hadzisisina kutsarukana kuti vana vange vachidzidza imomo. Dzimwe dzacho dzinogona kudonhera vana, nekudaro izvi tiri kuzvigadzirisa nekukasika.”

Vanoti zvakare kune zvimwe zvikoro zviri kuvandudzwa nerubatsiro rwehomwe yeOPEC Fund for International Development (OFID) zvakadai seMakumimavi Primary School iri kuChivhu.

“Pasi pechirongwa ichi, tichaita zvakasiyana zvinosanganisira kuvaka dzimba dzekuverengera, dzimba dzevadzidzisi nezvimbuzi zvekuti kana dai vana vakaremara mitezo vanokwanisawo kushandisa.

“Tinoda zvakare kuvakisa dzimba dzeEarly Childhood Development (ECD) idzo dzakatikoshera nekuti ndiko kwekutanga kunorodzwa pfungwa dzevana kuti vazive kuti chinonzi bhuku chii uye kukosha kwedzidzo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>