Zvikoro zvowaniswa mvura yakachena

20 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Zvikoro zvowaniswa  mvura yakachena

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SENZIRA yekudzivirira chirwere cheCovid-19, zvikoro zviri kusimbaradza nyaya dzehutsanana kuburikidza nekuwanisa vana, varairidzi nevamwe vashandi mvura yakachena yekushandisa.

Zvikoro zviri kusimudzira zvirongwa zvekuvepo kwemvura yakachena zvinosanganisira Marirangwe Primary North neMarirangwe Secondary zviri kudunhu raMambo Seke kuBeatrice, kuMashonaland East.

Elderman Clever Chimwanja vekuWard 11 mukanzuru yeManyame Rural District Council kunove kune zvikoro zviviri izvi vanoti sevatungamiri, vakaona zvakakodzera kuti pazvikoro izvi paiswe mvura yemupombi kuitira hutsanana hwevana nevarairidzi.

“Tagara tiine chibhorani chimwe chete chinoshandiswa nezvikoro zviviri izvi, saka ini semutungamiri ndaona kuti vana vechikoro vadzoka kuzodzidza, ndakatsvaga mapombi anodhonza mvura iyi kuendesa mumatangi aripo kare nekuisa electric motor. Izvi takazviita svondo rakapera (pamberi) vana vechikoro vachangotanga kudzoka,” vanodaro Elderman Chimwanja.

Vanoti mvura iyi yave kudhonzwa kubva muchibhorani ichi ichiendeswa mumatangi aripo umo mainozobva yave kuenda mumapombi anoenda kudzimba dzevadzidzisi nedzekudzidzira.

“Pazvikoro zvedu, kupuraimari tinotangira Grade 1 kusvika 7, kuchitiwo kusekondari kunobvira Fomu 1 kusvika 4. Vana vanowanikwa kuzvikoro zvose izvi vanodarika chiuru zvinoda kuti pagova nehutsanana huzere.

“Kuzvimbuzi zvose zvevadzidzisi nezvevana takaisa mvura yemupombi inofamba,” vanodaro.

Elderman Chimwanja vanoti vanoshanda nevakuru vezvikoro nemakomiti emaSchool Development Committees (SDC) kukurudzira hutsanana huzere panguva ino yekurwisa nedenda reCovid-19.

“Tinoshanda nekiriniki yedu yeMarirangwe zvakanaka sezvo vakoti vachiuya nguva nenguva pazvikoro zvedu vachiongorora vana denda iri nezvimwe zvakasiyana nekutipa dzidziso dzehutsanana neutano dzakatsaukana. Mvura yemumapombi iyi inoshandiswawo nevashandi vepakiriniki iyi kana mapombi epakiriniki iyi afa.”

Elderman Chimwanja vanoti muzvikoro izvi vana vose vanopfeka masiki nekuzorawo masanitisers nguva dzose uye vachigara vasina kuungana panguva yekudzidza.

“Takamboita dambudziko rekushaya mvura muzvikoro izvi kwemakore matatu adarika mushure mekufa kwepombi inobva muchibhorani,” vanodaro.

Vanoti kunze kwekusimbaradza nyaya dzehutsanana pazvikoro zvavo, mvura iyi ichashandiswawo mubasa rekurima nemamwe mabhindauko anosanganisira kupfuya huku nenguruve.

“Tine varimisi nevabereki vakazvipira kuti titange mabasa ekurima pachikoro chedu tichishandisa mvura iyi zvinoreva kuti zvikoro zvedu zvakatarisana nekubudirira kubva mukurima,” vanodaro Elderman Chimwanja.

Share This:

Sponsored Links