Uncategorized

‘Zvikwambo ndizvo zvinodariso’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Zvikwambo ndizvo zvinodariso’

Kwayedza

VACHITAURA pamusoro pedambudziko remukadzi wekuDomboshava uyo ari kuny’ura makumbo mudumbu, VaPatrick Kapfunde, avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni kwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti Hilda Musasa anogona kunge ari kushandisirwa zvikwambo.

“Zvidhoma zvinodhonza makumbo aya kuaendesa mudumbu nekuzoaburitsa. Dzimwe nguva matumbu nemapapu ake nedzimwe nyama zvemukati zviri kutodyiwa nezvikwambo izvi iye ari mupenyu,” vanodaro.

Sekuru Bhaureni

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Prangadhai, Passmore Chinovava vekuMt Hampden, achiti dambudziko remukadzi uyu riri kukonzerwa nezvikwambo.

Asi chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti Hilda ngaaende kuchipatara anoongororwa namachiremba, zvoonekwa kuti haana gomarara here uyewo otariswa nemachiremba emabhonzo nekuongororwa zvimwe zvirwere.

Share This:

Sponsored Links