Uncategorized

Zvikwambo zvoita ‘party’ mhuri ichifa nenzara

19 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
Zvikwambo zvoita ‘party’ mhuri ichifa nenzara

Kwayedza

Liberty Dube

IMWE mhuri yekuNyanga iri panguva yakaoma zvichitevera zvikwambo zvinonzi zviri kuita machikichori ekudya chikafu chakabikwa mumba zvichizochitsiva nemavhu zuva nezuva.

Munyori uno akaziviswa zvekare kuti zvikwambo izvi zviri kuita zvekare katsika kekuparadza midziyo yose yekwaNyikayaramba inova yavakaunganidza nekushanda kwemakore mazhinji apo mumwe moto wemanenji wakangonyuka ndokuparadza dzimba mbiri dzehuswa uye midziyo nechikafu chaivemo.

Zvikwambo izvi zvinonzi ndezvedzimwe hama dzekwaNyikayaramba uye vemhuri iri vari kuedza kurwisana nazvo asi zvichiramba.

Zvave kunetsa Mbuya Nyikayaramba nevazukuru vavo.

Vakafanobata chigaro chaMambo Saunyama vanotsinhira kuti nyaya iyi iri kuitika mumusha wekwaNyikayaramba kuWard 14 mubhuku rekwaKute.

Vanoti mhuri yekwaNyikayaramba inofanira kubuda pachena vazvichenure panyaya iyi.

Dambudziko iri rakakura uye rakatoita kuti vamwe vana vatatu vari muGiredhi 6, 1 neEarly Child Education (ECD) vasiire chikoro panzira zvichitevera nzara yainge yarura mumusha nekuda kwekudyiwa kuri kuitwa chikafu nezvikwambo izvi.

“Ndinotsinhira nezvenyaya yemashiripiti ari kuitika pamusha wekwaNyikayaramba. Vana vari pasi pemakore 11 okuberekwa vari kubatwa nemweya vachitaura zviri kuitika kuti vari kushungurudzwa nezvikwambo zvinovatorera chikafu chavanenge vagadzirirwa zvichibva zvadya, zvobva zvachitsiva nemavhu. Izvi zvatova nenguva ndefu zvichiitika. Mhuri iyi yatosara iri panzara mushure mekunge dzimba mbiri dzakaparadzwa nemoto wemashiripiti apo chikafu, mbatya nemidzyo yaivemo zvikaparadzwa. Kwakabva moto uyu hakusati kwazivikanwa,” vanodaro Mambo Saunyama.

Mashiripiti aya anonzi akatokanganisa dzidzo yevana uye vanotomboita dzungu vachikundikana kuziva zvavanenge vachiita zvekuti vamwe vavo vakatosiira chikoro panzira uye vava kutogara kumba kwemuporofita senzira yekutsvaka chengetedzo.

“Nyaya iyi yakaoma, chikafu chinonyangarika mundiro kana vana vatatu ava pamwe naGogo Nyikayaramba vava kuda kuchidya. Vana vari kushungurudzika zvakanyanya mundangariro uye vagari vemunharaunda iyi vari kushamiswa nazvo. Zvikwambo izvi zvinonzi zvakaunzwa nehama dzaGogo Nyikayaramba avo vakanga vari kuzvirasirira. Mimwe midziyo yakaparadzwa kuita dota panguva iyo dzimwe nhengo dzebazi rezveutano nekurerwa kwevana vakanga vari kuita chirongwa chekufirita dzimba senzira yekuderedza chirwere chemalaria ndipo pavakanga vari kuedza kuchibvisa kuti mumba mufiritwe ndobva dzimba dzabatira moto midziyo yese yaivepo ndokuparadzwa,” vanodaro.

Nyaya iyi yakatosvitswa kudare raMambo Saunyama uye nekune mamwe mapazi akadai seSocial Welfare.

Mutungamiriri wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiero, vanoti Mbuya Nyikayaramba vanofanira kudura zvizere maringe nezviri kuitika pamusha pavo.

“Ndinofunga kuti Gogo Nyikayaramba vanogona kunge vaine ruzivo maringe nezviri kuitika uye kwakabva zvikwambo saka pane nyaya nekuti zvikwambo izvi zvava kushungurudza kunyangwe nevanhu vasina mhosva. Gogo Nyikayaramba ngavaedze kutaura chokwadi. Kana vakachena gogo ava ngavashanyire mahofisi edu tivape vabatsiri uye kuba chikafu kuri kuita zvikwambo izvi kunoreva kuti hazvisi kuwaniswa zvikwanisiro zvazvinoda nekudaro pane zvinhu zvisina kumira mushe,” vanodaro VaKandiero.

Share This:

Sponsored Links