Zvikwambo zvokonzera ‘hovhiyo’ pachikoro

08 Nov, 2022 - 11:11 0 Views
Zvikwambo zvokonzera ‘hovhiyo’ pachikoro Chidhoma

Kwayedza

Danisa Masuku

VANA vanodzidza pachikoro cheKumalo Primary School, kuBulawayo, vanonzi vakaita bararamhanya vachitsvaga kwekuhwanda mushure mekurohwa nembama dzevanhu vaisaonekwa muchimbuzi chepo.

Pane fungidziro huru yekuti “hovhiyo” iyi iri kukonzerwa nezvikwambo kana kuti zvidhoma.

Vamwe vana vanoti vakaona nyoka hombe yaishamisa iri muchimbuzi umu.

Chiitiko ichi chiri kutenderera padandemutande reWhatsApp rechikwata chevabereki vane vana vanodzidza pachikoro ichi.

Pane mashoko anoti vana vari muGrade 3 ne5 ndivo vakanyanya kukwaturwa nembama mumashiripiti anoshungurudza aya.

Vamwe vana vanoti vakanzwawo izwi raisanyatsodura richivapopotera vari pedyo nechimbuzi izvo zvakaita kuti vamhanye vachitiza.

Mushure maizvozvo, vamwe vevadzidzi vanonzi vakachema-chema nekutemwa nemusoro pamwe nekukundikana kuziva zvavakange vari kuita.

Vamwe vevabereki vanotsinhira chiitiko ichi zvisinei nekuti havana kuda kudomwa nemazita.

“Mwana wangu ari muGrade 5 akandiudza kuti pavaive muchimbuzi neshamwari dzake, akanzwa izwi zvikaita kuti vamhanyire panze kunoudza murairidzi wavo. Nhasi aramba kuenda kuchikoro achiti anotya kurwiswa nechinhu ichi uye ari kutonzwa musoro kutema saka ndakamutsvakira mushonga,” anodaro mumwe mubereki.

Vamwewo vabereki vashanu vanotsinhira kuti vana vavo vakarohwa nembama dzavaisaona kwadzinobva izvo zvakaita kuti vasare vasingazive zvavaiita.

Mumwe mubereki anoti mushure mekuona nyoka iyi, mwana wake akatanga kurwadziwa nemusoro.

“Mwana wangu akabva kuchikoro nezuro akandiudza kuti akarohwa mbama yechinhu chaasina kuona uye nhasi aramba kuenda kuchikoro sezvo ari kurwara nemusoro. Ndatozomutengera mushonga,” anodaro mubereki uyu achiratidza kunetsekana zvakanyanya.

Pane mumwewo mubereki anoti mwana wake akaona nyoka muchimbuzi.

“Mwana wangu akandiudza kuti akaona nyoka apo aizvibatsira muchimbuzi saka paakaitarisa kechipiri, yakabva yatsakatika,” anodaro mubereki uyu.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Stella Mhlanga, havana kukwanisa kubatika kuti vataurewo pamusoro penyaya ino.

Sachigaro weSchool Development Committee (SDC), VaBanele Jumo, vanoti: “Ndakangoona mashoko paWhatsApp group revabereki achiti vana vari kuona zvikwambo pachikoro. Ndichava nemhinduro chaiyo kana ndaenda kuchikoro.”

Share This:

Sponsored Links