Zvikwata 16 zvokwikwidza muMbare Junior League

26 Jan, 2023 - 11:01 0 Views
Zvikwata 16 zvokwikwidza muMbare Junior League Stanley Kavayi

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA 16 zvenhabvu zvevechidiki zvichakwikwidza mumutambo wekutangisa mwaka mutsva weMbare Junior League Under-15 Football Tournament.

Mutambo uyu uchatambwa nemusi wa25 Kukadzi uye uri kurongwa neMbare Junior Football League.

Zvikwata zvichakwikwidza mumutambo uyu zvizhinji zvinobva muMbare asi kune zvimwe zvakashevedzwa kubva kumapurovhinzi akasiyana.

Sachigaro weMbare Junior Football League – Stanley Kavayi – anoti chinangwa chavo kupa mikana kune vatambi vechidiki kuti vatambe nhabvu vagoonekwa nezvikwata zvakasiyana zvinotambira muPremier Soccer League.

Anoti nhabvu inotangira kune vechidiki saka vari kushanda nesimba kuvabika.

“Isu seMbare Junior League, donzvo redu kuzarurira mikana kune vechidiki kuti vatambe nhabvu vagadzire mazita avo vagoonekwa nezvikwata zvikuru zvemuPSL,” anodaro.

Chikwata chaKavayi cheReal Stars FC

Kavayi anoti pese pavanoronga mitambo yavo, vanoshevedza nyanzvi dzekuimba, madhirama, vemabhizimisi nevamwe vane mukurumbira kuti vauye kuzotaura nevatambi vechidiki pamusoro pehuipi hwekutora zvinodhaka.

Anoti vatambi vechidiki vazhinji venhabvu vanotadza kusvika kure nekuda kwezvinodhaka saka sehutungamiri hweMbare Junior League vari kutora chikamu mukurwisa dambudziko iri.

“Zvinodhaka zviri kukanganisa vatambi venhabvu vakawanda naizvozvo tiri kushanda nevanhu vane mukurumbira avo vanouya vachitaura nevatambi vachivapa dzidziso yekuti vasiyane nezvinodhaka,” anodaro Kavayi.

Zvikwata zvichakwikwidza mumutambo uyu zvinosanganisira Real Stars (Mbare), Sunshine (Mbare), City healing (Sunningdale), Go Nation (Epworth), CHIPOLOPOLO (Banket), Super Stickers, Mountain Academy (Kuwadzana), Better 11 (Norton), Super Eagles, Red carpet, Airport Academy, Super Stars, Tendai Stickers (Mufakose), NC Sports Academy (Kuwadzana), Chemz Academy (Murehwa) neYoung Boys (Chinhoyi).

Share This:

Sponsored Links