Zvikwata 4 zvecricket zvapinda muNPL

06 Jun, 2024 - 19:06 0 Views
Zvikwata 4  zvecricket zvapinda muNPL Rangers

Kwayedza

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvina zvitsva zvecricket zvakagamuchirwa kuti zvigokwikwidza mwaka uno muNational Premier League mumitambo inotarisirwa kutanga mumasvondo anotevera.

Zvikwata izvi zvinoti Rangers yemuHarare, Strikers yekuMashonaland East, Rimuka yekuMashonaland West neKnights yekuMasvingo.

Izvi zvichaona huwandu hwezvikwata zvinokwikwidza muNPL huchienda pa14.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, murairidzi weRangers – Gary Brent – anoti chikwata chavo chakagadzirira zvakanyanya kutamba cricket yemhando yepamusoro mwaka uno.

“Tiri kunzwa manyuku-nyuku kuwaniswa tikiti rekukwikwidza muNPL. Chokwadi chiremerera chikuru chaicho uye hatina kumbobvira tazvifungira kuti mumwaka wedu wekutanga tichazvikwanisa.

“Kuti tikure sechikwata zvinhu zvakanaka, tange tichiona vechidiki vachiuya kwatiri saka tave kusvika pachidanho chekuti tichiwedzera vamwe vatambi nekusimukira mumutambo uyu. Chinhu chinofadza kuti tange tichiona vanhu vakawanda vari kuda chaizvo kuuya kuchikwata chedu.

“Tinofanira kunzwisisa kuti uyu mwaka wedu wekutanga saka pane zvatinofanirwa kutarisira.

“Ndinotarisira kuti tichahwina mitambo yakawanda pane yatichakundwa saka ndicho chinhu chatinoti tiri kutarisira mwaka uno,” anodaro Brent.

Murairidzi weRimuka – Adam Chifo – anotiwo vari kutarisira kutamba zvinofadza muNPL.

“Chinhu chikuru kwatiri seRimuka kutamba muligi hombe recricket munyika uye zvakakosha kudhorobha reKadoma.

“Hakuna chinhu chinokunda kutamba muligi hombe remunyika kwatiri seRimuka.

“Isu takaisa maziso edu pakupedza tiri pamusoro asi tichange tichibata mitambo sekuuya kwainenge ichiita,” anodaro Chifo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey