Zvikwata zvenhabvu yemadzimai zvotatsurana

16 Mar, 2023 - 12:03 0 Views
Zvikwata zvenhabvu yemadzimai zvotatsurana Xoey Annah Chimombe

Kwayedza

Abel Ndooka

ANENGE ari makuwerere nemusi weChishanu chino pachikoro cheMadamombe Primary School kwaSeke apo zvikwata zvina zvenhabvu zvevavanhukadzi zvichatatsurana mumutambo weVaChirenda Centre of Hope Girls Football Tournament.

Mutambo uyu uri kurongwa nesangano reVaChirenda Centre of Centre uye pazuva iri pachaumbwa chikwata chenhabvu chemadzimai chinonzi VCH Swans Football Club.

Chikwata cheVCH Swans chichaita chekutanga chemadzimai chinobva kwaSeke.

Mutungamiri weVaChirenda Centre of Hope – Xoey Annah Chimombe – anoti donzvo ravo nderekusimudzira madzimai munharaunda yekwaSeke.

Anoti dingindira remutambo wavari kuronga rinoti:  “Kusimudzira Madzimai nemitambo, Regai mwanasikana atambe”.

“Kune vanasikana vakawanda vane tarenda rekutamba nhabvu asi kungoti dzimwe nguva vanogona kushaya kwekutambira zvichingoperera kuchikoro. Saka isu tiri kuda kuvasimudzira kuti vaenderere mberi nemutambo uyu.

“Svondo rino, tiri kuparura chikwata chedu cheVCH Swans chemadzimai uye vatambi vacho tichavasarudza kubva pane vachakwikwidza pamutambo uyu,” anodaro.

VHS Swans ichange ichishanda nezvikoro zvekwaSeke mukutsvaga vatambi.

Chimombe anoti mune remangwana, vanoda kuzoumba zvikwata zvemitambo inosanganisira basketball, cricket, rugby nevolleyball zvemadzimai chete.

“Tichange tichishanda nezvikoro umo tichawana vatambi vedu kuti vapinde muchikwata chedu.

“Tapedza kuumba chikwata chenhabvu, tinoda kuzoumba zvemitambo inosanganisira netball, basketball, rugby necricket kuitira kuti vanasikana vapinde mune zvemitambo yakasiyana-siyana,” anodaro.

Sangano reVaChirenda Centre of Hope rine mabhindauko akawanda ariri kuita ekudzidzisa madzimai kuzvishandira nemaoko.

“Isu tinokoshesa kuti vanhukadzi vazvishandire nemaoko avo saka tine zvirongwa zvakawanda zvatinoita tichivadzidzisa zvinosanganisira kusona nekugadzira sipo.

“Tikadzidzisa vanasikana vedu kuzvishandira tinoziva kuti tinenge tavabvisa mune zvakawanda, zvinosanganisirawo kutora zvinodhaka,” anodaro Chimombe.

Share This:

Sponsored Links