Zvimbambaira zvotadzisa kurima

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Zvimbambaira zvotadzisa kurima

Kwayedza

landmine
VARIMI vekunzvimbo yakatevedza muganhu weZimbabwe neMozambique kudunhu raShe Chiswiti kuMukumbura vochema-chema nekushomeka kweminda yekurima sezvo dzimwe nzvimbo dzichiri nezvimbambaira zvakaiswa nemabhunu munguva yehondo yerusununguko. Sadunhu Gomo, VaRaphael Gatsi (48), vanoti kudunhu ravo kune dambudziko guru rekushomeka kweminda.

“Kuno tine vana vakawanda vari kukura vanoda minda yekurima avo vave kushaya kwekurima nekuti masango chete akasara ayo tinogona kuvapa minda azere zvimbambaira. Kuminda isina kuchererwa zvombo izvi ndiko kwatagara tichirima isu vabereki saka hatisisina kwekuvapa,” vakadaro Sadunhu Gomo.

Vakati nekuda kwedambudziko iri  vave kuchekera vana vavo minda yavo yavakagara vachirima iyi isina izvo zvave kudzosera mabasa ekurima kumashure.

Dambudziko remasango ane zvimbambaira rakakura kunzvimbo dzinotevedza mugwagwa weBhinya unobva kurwizi rwaZambezi kunosvika kuMukumbura pamwe nekuChigango, Chimushonga, Gomo nekuKapfudza.

“Dai zvimbambaira izvi zvaibviswa taiwana nzvimbo yakanaka zvikuru yekurima pasina njodzi uye mamwe masango aya ari padyo zvikuru nerwizi Mukumbura uko vanhu vanogona kuzotora mvura vachiita minda yekudiridzira murwizi urwu,” vakadaro Sadunhu Gomo.
Dunhu reMukumbura vakati harina mapurazi ekuti vanhu vanogona kunogariswa patsva.

“Chikumbiro changu sasadunhu wenzvimbo ino kuti dai Hurumende yatipawo nzvimbo kune mamwe mapurazi ari kure muno mudunhu redu reMashonaland Central kuti vechidiki vedu vagowana minda yekurima,” vakadaro.
Zvakadaro, hurumende ine zvirongwa zvakasiyana-siyana zvekubvisa zvimbambaira kunzvimbo dzakatsaukana dziri kumiganhu wenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>