Uncategorized

Zvimwe zvauya ne‘lockdown’

28 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
Zvimwe zvauya ne‘lockdown’

Kwayedza

Nqobile Tshili
NZIRA dzekuwana mari nechikafu kuvanhu vanogara kumaruwa dzinonzi dzakadzikira nechikamu chinodarika 50 percent zvichitevera matanho akatorwa neHurumende ekurwisa chirwere cheCovid-19 anosanganisira kurudziro yekuti veruzhinji vagare kudzimba.

Ongororo yakaitwa neZimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZimVAC) 2020 pamusoro pekuwanikwa kwechikafu inoratidza kuti chikamu che21 percent chevanogara kumaruwa chainetseka kuwana zvinodiwa kuti munhu ararame zuva nezuva panguva ye”lockdown”.

Hurumende yakatora matanho ekurwisa Covid-19 pakupera kwemwedzi waKurume.

Matanho aya anorumbidzwa nebasa guru raakaita mukudzivirira kupararira kwedenda iri panguva iyo nyika dzakawanda dzakaona kukwira kwehuwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 pamwe chete nevafa.

Hurumende yakatanga kunyevenutsa matanho aya nechinangwa chekuenzanisa nyaya dzekusimukira kweupfumi nekuchengetedza utano hweveruzhinji.

Ongororo yeZimVAC inoratidza zvakare kuti kuwanikwa kwerubatsiro rwezveutano kwakadzikira nechikamu che50 percent nekuda kweCovid-19.

“Zvakakanganiswa nekuda kweCovid-19 maringe nekurarama kwevanhu zvitatu zviri pamusoro zvinoti nzira dzekuwanikwa kwemari (51.5 percent), nzira dzekuwana chikafu (50.1 precent) nekutadza kuwana zvinhu zvinodiwa mukurarama zuva nezuva (21.2 percent),” inodaro ZimVAC.

Inoenderera mberi ichiti, “Mhuri dzakawanda dzinoti dzakasangana nedambudziko rekushaya zvekufambisa (73.7 percent), kushaya chikafu (69.2 percent) nemishonga yekurapa (48.9 percent) kubvira pakatanga denda iri muZimbabwe.”

Hurumende, inodaro ZimVAC, ndiyo yainyanya kubatsira vanhu vanotambura panguva yava yelockdown.

“Munyika yose, chikamu che55 percent pavanhu vakaitwa ongororo iyi chakawana rubatsiro kubva kuHurumende, chichiteverwa neUN/NGO (33 percent), rubatsiro rwakabvawo kuhama dzemumadhorobha (16 percent), hama dzekumaruwa (13 percent) nehama dziri kunze kwenyika (11 percent),” rinodaro gwaro iri.

ZimVAC inoti kuwanikwa kwemvura nezvimwe sekuchengetedzwa kwevanhu hazvina kukanganiswa munharaunda dzakawanda panguva iyi.

Dunhu reMatabeleland North rinonzi ndiro rine vanhu vakawanda vaionekwa sevari panjodzi yekutapurirwa Covid-19.

ZimVAC inoti kunyangwe zvazvo vanhu vakawanda vaikwanisa kuwana sipo yekugezesa, vashoma vaiwana sanitiser uye chikamu che90 pecent chevagari vekumaruwa havana kukwanisa kuwana midziyo yakakwana yekurwisa Covid-19 asi vazhinji vakakwanisa kushandisa mamasiki anosonwa mudzimba.

“Munyika yose, kuwanikwa kwesipo yekugezesa kwakava pachikamu che84 percent. Asi kuwanikwa kwesanitizer kwakaderera zvakanyanya (6 percent). Aya ndiwo mamiriro ange akaita zvinhu kumatunhu ose.”

Gwaro iri rinoratidza kuti chikamu che76 percent chevanhu vaiwana ruzivo rwuri pamusoro peCovid-19 kubva kuredhiyo, 42 precent kubva kushamwari nehama, 31 precent kuvashandi vezveutano, 17 percent kumagungano akasiyana ne15 percent kubva kuvashandi vezveutano vakazvipira kuita basa iri pachena.

Kunyangwe zvazvo Hurumende yakaita kuti pave nenhamba dzepachena dzekuti vanhu vanenge vachida kuziva pamusoro peCovid-19 vachaye (2019), vakawanda vekunharaunda yeMatabeleland South vanonzi vange vasina ruzivo nezvayo.

“Chikamu che10 percent chete chemhuri dziri kuMatabeleland South uye 18 percent kuMatabeleland North ndivo vanoti vaiziva nezvenhamba yetoll-free iyi,” rinodaro gwaro iri.

Share This:

Sponsored Links