Zvimwe zvekuita panguva yekupisa

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

NYIKA yeZimbabwe yakatarisana nenguva yekupisa kwakanyanya pari zvino uye kupisa uku kuri kutarisirwa kuti kuchaenderera kusvika nemusi weSvondo 3 Zvita.

Kupisa uku kuri kufungidzirwa kuti kuchasvika pakati pe33 ne37 degrees Celsius.

Veruzhinji vanokwanisa kuzvichengetedza kubva mukupisa nenzira dzakasiyana, kusanganisira dzinotevera:

Mumuviri munofanira kugara muine mvura yakawandisa. Veruzhinji vanokurudzirwa kuramba vachinwa mvura yakawandisa, kunyanya vana nevanhu vechikuru.

Veruzhinji vanofanira kuderedza kushandira pamhene panenge paine zuva rakanyanya. Kana vachishandira pamhene, vanofanira kupfeka nguwani dzinodzivirira zuva.

Veruzhinji vanofanira kurega kuenda panzvimbo dzekuti vanotsva nezuva zvakanyanya kuti vasanzwa kuneta-neta.

Chero mhuka nezvipfuyo, zvinoda kugara zviine mvura mumuviri saka zviinofanira kugara dzichipihwa mvura yekunwa.

Vana havafanire kusiiwa vakavharirwa mudzimotokari kana kuchipisa saizvozvi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey