Kwayedza
YEUKA zvinotevera pamusoro pecoronavirus:
- Munhu wose imbomira kufamba-famba, gara pamba.
- Kuungana kweveruzhinji hakufanire kudarika vanhu makumi mashanu.
- Miganhu yenyika yakavharwa kuti vanhu vasafamba kunze kwevari kudzoka chete.
- Miganhu yenyika inovhurirwa avo vari kufambira zvakakoshesesa.
- Kuongororwa kwevari kufambira zvakakoshesesa kunze kwenyika kuri kuramba kuchiitwa.
- Vanhu vari kudzoka kubva kune dzimwe nyika vanofanira kugara kwavo voga
- kwemazuva makumi maviri nerimwe.
- Panodiwa umboo hwemagwaro anoratidza kuti vanhu vari kubva kunyika dzine Covid-19 havana chirwere ichi.
- Kufamba kusina tsarukano kunze kwenyika nemuZimbabwe hakusi kukurudzirwa.
- Kurambidzwa kwekuungana kwevanhu munzvimbo dzekunwira doro, kunoitirwa mitambo, kwekusimbirira miviri nemimwewo mitambo kusvika vanhu vazoziviswa.
- Vanhu vari kukurudzirwa kuti vasaende kumisika.
- Vashandirwi vari kukurudzirwa kuderedza huwandu hwevashandi.