Zvimwe zvekuyeuka

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Zvimwe zvekuyeuka Coronavirus

Kwayedza

YEUKA zvinotevera pamusoro pecoronavirus:

  • Munhu wose imbomira kufamba-famba, gara pamba.
  • Kuungana kweveruzhinji hakufanire kudarika vanhu makumi mashanu.
  • Miganhu yenyika yakavharwa kuti vanhu vasafamba kunze kwevari kudzoka chete.
  • Miganhu yenyika inovhurirwa avo vari kufambira zvakakoshesesa.
  • Kuongororwa kwevari kufambira zvakakoshesesa kunze kwenyika kuri kuramba kuchiitwa.
  • Vanhu vari kudzoka kubva kune dzimwe nyika vanofanira kugara kwavo voga
  • kwemazuva makumi maviri nerimwe.
  • Panodiwa umboo hwemagwaro anoratidza kuti vanhu vari kubva kunyika dzine Covid-19 havana chirwere ichi.
  • Kufamba kusina tsarukano kunze kwenyika nemuZimbabwe hakusi kukurudzirwa.
  • Kurambidzwa kwekuungana kwevanhu munzvimbo dzekunwira doro, kunoitirwa mitambo, kwekusimbirira miviri nemimwewo mitambo kusvika vanhu vazoziviswa.
  • Vanhu vari kukurudzirwa kuti vasaende kumisika.
  • Vashandirwi vari kukurudzirwa kuderedza huwandu hwevashandi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey