Zvimwe zvirwere zvisakanganikwe pakurwisa Covid-19

06 Jan, 2022 - 17:01 0 Views
Zvimwe zvirwere  zvisakanganikwe pakurwisa Covid-19

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke

PANGUVA iyo pasi rose riri mushishi yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, zvakakosha kuti budiriro huru yavepo mukurwisa zvirwere zvakadai seHIV nerurindi isadzoserwe kumashure, rinodaro sangano reWorld Health Organisation (WHO pamwe nenyanzvi dzezveutano dzemuZimbabwe.

Pasi rose, nyaya yekurwisana neCovid-19 pari zvino ndiyo iri pamberi kana zvichienzaniswa nezvimwe zvirwere kwemakore maviri adarika.

Mugwaro rakaburwa neWHO munaZvita, sangano iri rinoti chirwere cheCovid-19 chakabudisa pachena kusaenzana kwemikana izvo zvinogona kukanganisa zvikuru budiriro yavepo muzvirongwa zvekurwisa HIV, rurindi nemalaria.

Gwaro iri (State of inequality: HIV, tuberculosis and malaria) rinotaridza kuti zvirongwa zvekuvhenekwa, kurapwa uye kudzivirirwa kwezvirwere zvitatu izvi zvakadzoserwa kumashure zvichitevera kunyuka kwedenda reCovid-19.

Zimbabwe iri pakati penyika dzakaona kudzikira kwekuvhenekwa uye kurapwa kwemalaria pamwe nerurindi.

Kunyangwe zvazvo Hurumende yakatora matanho akananga kuona kuti nyaya dzose dzeutano hadzikanganiswe, zvirongwa zvakadai selockdown zvakanganisa kuwanikwa kwenyaya dzezveutano nevanhu vakawanda, kunyanya kunzvimbo dzekumaruwa.

VaItai Rusike vanova executive director wesangano reCommunity Working Group on Health vanoti zvirongwa zvinoendeka zvinoita kuti budiriro yavepo mukurwisa zvimwe zvirwere kubvira makore adarika isadzoserwe kumashure nekuda kwedenda reCovid-19.

“Kunyangwe zvazvo paine budiriro huru kwemakore 20 adarika mukurwisa HIV, TB nemalaria uye mamwe matambudziko ane chekuita neutano, budiriro iyi iri panjodzi yekudzoserwa kumashure nekuda kwezvigozherwo zviri kukonzerwa nechirwere cheCovid-19. Nekudaro, apo tiri kuenda kumberi, panoda kuti pave nezvirongwa zvakasimba zvekurwisa Covid-19 pamwe chete nezvirwere zvitatu izvi,” vanodaro VaRusike.

Vanoti kunyuka kwakaita chirwere cheCovid-19 kwakapa mukana kunyika dzakawanda wekuti dzivandudze pamwe nekusimbaradza zvikamu zveutano.

Sachigaro wesangano reMashonaland Faculty of the College of Primary Health Care Physicians of Zimbabwe – Dr Enock Mayida – vanoti zvakakosha kusimbaradza zvirongwa zvekurwisa HIV, rurindi nemalaria.

“Zimbabwe yagara iine zvirongwa zvakanaka zvekudzivirira kupararira kweTB, HIV nemalaria asi dambudziko reCovid-19 pasi rose raita kuti kurwiswa          kwezvirwere izvi kuderere,” vanodaro.

Dr Mayida vanoti kuvepo kweCovid-19, HIV neAIDS pamwe zvimwe zvirwere zvisingatapuriranwe, kunoreva kuti panofanirwa kutsvagwa nzira dzakasimba dzekurwisa zvirwere izvi pamwe chete, kwete kuita rumwe rumwe.

Share This:

Sponsored Links